ShonaTeam Psalms « 40 »

Mufaro wemunhu anotenda kuna Jehovha

Kumutungamiriri wekuimba. Pisarema raDhavhidhi.

40Ndakarindira-rindira Jehovha; uye wakarerekera kwandiri, ndokunzwa kuchema kwangu.

2 Akandinyururawo pagomba rekuparadzwa, mudziva rematope, ndokuisa tsoka dzangu padombo, akasimbisa nhanho dzangu.

3 Zvino wakaisa rwiyo rutsva mumuromo mangu, rumbidzo kuna Mwari wedu; vazhinji vachazviona ndokutya, uye vachavimba naJehovha.

4 Wakaropafadzwa munhu anoita Jehovha chivimbo chake, uye asingacheukiri kune vanozvikudza, neavo vanotsaukira kunhema.

5 Imwi makaita zvishamiso zvenyu zvive zvizhinji, Jehovha Mwari wangu, nemifungo yenyu kwatiri; hapana angaenzaniswa nemwi. Ndikada kuzvirondedzera nekuzvireva, zvakawandisa kuti zviverengwe.

6 Chibairo nechipo hamushuvi; makazarura nzeve dzangu; chipo chinopiswa nechipo chezvivi hamuna kuzvireva.

7 Ipapo ndakati: Tarirai ndauya; murugwaro rwakapetwa makanyorwa nezvangu.

8 Ndinofarira kuita chido chenyu, Mwari wangu; hongu, murau wenyu uri mukati meura hwangu.

9 Ndakaparidza kururama paungano huru; tarira, handina kudzora miromo yangu, Jehovha, imwi munoziva.

10 Handina kuvanza kururama kwenyu pakati pemoyo wangu; ndakataura kutendeka kwenyu neruponeso rwenyu; handina kuvanza rudo rweunyoro hwenyu nechokwadi chenyu kuungano huru.

11 Imwi, Jehovha, musandinyima tsitsi dzenyu; rudo rweunyoro hwenyu nechokwadi chenyu ngazvindichengete rinhi narinhi.

12 Nokuti zvakaipa zvisingaverengeki zvakandikomba; zvitadzo zvangu zvakandibata zvekuti handigoni kuona; zvakawanda kupfuura bvudzi remusoro wangu; naizvozvo moyo wangu wandisiya.

13 Zvikufadzei, Jehovha kundinunura; Jehovha kurumidzai kurubatsiro rwangu.

14 Ngavanyadziswe vazvidzwe pamwe chete avo vanotsvaka mweya weupenyu wangu kuuparadza; ngavadzoserwe shure vashorwe ivo vanoshuva chakaipa changu.

15 Ngavaparadzwe uve mubairo wenyadzi dzavo vanoti kwandiri: Hekani waro, hekani waro!

16 Vose vanokutsvakai ngavafare vapembere mamuri; vanoda ruponeso rwenyu ngavati rinhi narinhi: Ngaakudzwe Jehovha!

17 Asi ndiri murombo nemushaiwi; Ishe anondirangarira; ndimwi mubatsiri wangu nemununuri wangu; Mwari wangu, musanonoka.