ShonaTeam Psalms « 39 »

Munyengetero pakutambudzika

Kumutungamiriri wekuimba, kuna Jedhutuni. Pisarema raDhavhidhi.

39Ndakati: Ndichachenjerera nzira dzangu, kuti ndirege kutadza nerurimi rwangu; ndichachengeta muromo wangu netomu, kana wakaipa achipo pamberi pangu.

2 Ndaiva mbeveve nekunyarara, ndakanyararira zvakanaka; uye kutambudzika kwangu kwakamutswa.

3 Moyo wangu waipisa mukati mangu; mukurangarira kwangu moto wakapfuta; ndakataura nerurimi rwangu:

4 Jehovha, ndizivisei mugumo wangu, uye chiyero chemazuva angu kuti chakadii; kuti ndizive kuti ndinopfuura zvakadii.

5 Tarirai, makaita mazuva angu ave upamhi hwechanza; nezera rangu sechinhu pasina pamberi penyu; zvirokwazvo, munhu umwe neumwe pakumira kwake haana maturo zvachose. Sera.

6 Zvirokwazvo, munhu umwe neumwe anofamba-famba semumvuri; zvirokwazvo, vanoshungurudzika pasina; anounganidza, asi haazivi kuti ndiani achazvivuta.

7 Uye zvino, Ishe, ndakarindirei? Tariro yangu iri mamuri.

8 Ndinunurei pakudarika kwangu kose; regai kundiita chiseko chebenzi.

9 Ndaiva ndiri mbeveve, handina kushamisa muromo wangu; nokuti ndimwi makaita.

10 Bvisai shamhu yenyu kwandiri; ini ndapedzwa nehasha dzeruoko rwenyu.

11Pamunoraira munhu nekutsiura nekuda kwechitadzo, munoita kunaka kwake kunyunguduke sechipfukuto; zvirokwazvo munhu umwe neumwe haasi chinhu. Sera.

12 Inzwai munyengetero wangu, Jehovha; uye ipai nzeve kukuchema kwangu; regai kunyarara pamisodzi yangu; nokuti ndiri mweni kwamuri, mutorwa, semadzibaba angu ose.

13 Regai kunditarisa, kuti ndibukire, ndisati ndabva, uye ndive ndisisipo.