ShonaTeam Psalms « 38 »

Munyengetero wemunhu anotambudzika

Pisarema raDhavhidhi, rekuyeudzira.

38Jehovha, regai kunditsiura pakutsamwa kwenyu, kana kundiranga pakupfuta kwehasha dzenyu.

2 Nokuti miseve yenyu yakanyura mandiri, uye ruoko rwenyu rwunonyura pamusoro pangu.

3 Hapana utano munyama yangu nekuda kwekutsamwa kwenyu; hakuna rugare mumapfupa angu nekuda kwechivi changu.

4 Nokuti zvitadzo zvangu zvapfuura musoro wangu; semutoro unorema zvinondiremera kwazvo.

5 Maronda angu anonhuhwa akaora nekuda kweupenzi hwangu.

6 Ndakakombamiswa, ndakakotamiswa kupfuurikidza; zuva rose ndinofamba ndichichema.

7 Nokuti chiuno changu chizere neutsva; uye hapana utano panyama yangu.

8 Ndakarukutika, ndakakuika zvikuru kwazvo; ndakavovora nekuda kwekugomera kwemoyo wangu.

9 Ishe, chishuvo changu chose chiri pamberi penyu, uye kugomera kwangu hakuna kuvanziwa kwamuri.

10 Moyo wangu unorova; simba rangu randisiya; uye chiedza chemeso angu, naicho hachipo pandiri.

11 Vanondida neshamwari dzangu vanomira kure nehosha yangu; nevavakidzani vangu vanomira kure.

12 Avowo vanotsvaka upenyu hwangu vanoisa misungo; uye vanotsvaka kukuvara kwangu vanotaura kuparadza kukuru, nekufunga unyengeri ukuru zuva rose.

13 Asi ini ndakaita sematsi, handinzwi, uye sembeveve isingashamisi muromo wayo.

14 Hongu ndakaita semunhu asinganzwi, uye pasina makakava pamuromo wake.

15 Nokuti kwamuri, Jehovha, ndinovimba; imwi muchapindura, Ishe Mwari wangu.

16 Nokuti ndakati: Zvimwe vafare pamusoro pangu. Panotedzemuka rutsoka rwangu vanozvikudza kupikisana neni.

17 Nokuti ndava pedo nekukamhina; nemarwadzo angu ari pamberi pangu rinhi narinhi.

18 Nokuti ndichazivisa uipi hwangu; ndichashungurudzika nechivi changu.

19 Asi vavengi vangu vapenyu vane simba; nevanondivenga pasina chikonzero vawanda.

20 Naivowo vanotsiva chakaipa pachinzvimbo chechakanaka vavengi vangu, nokuti ndinoteverera chakanaka.

21 Regai kundisiya, Jehovha; Mwari wangu, musava kure neni.

22 Kurumidzai kundibatsira, Ishe, ruponeso rwangu.