ShonaTeam Psalms « 37 »

Mufaro wevakaipa ndewenguva diki

Pisarema raDhavhidhi.

37Usashungurudzika nekuda kwevaiti vezvakaipa; usagodora vabati vezvakaipa.

2 Nokuti vachakurumidza kugurwa seuswa, nekusvava seuswa unyoro.

3 Vimba naJehovha, uye ita zvakanaka; gara panyika, uye uzvifunde nekutendeka.

4 Uye zvifadze muna Jehovha; zvino achapa kwauri mikumbiro yemoyo wako.

5 Ipa nzira yako kuna Jehovha; vimbawo naye; zvino iye achazviita.

6 Uye achabudisa kururama kwako sechiedza, nemutongo wako semasikati makuru.

7 Nyarara pana Jehovha, umurindire; usazvishungurudza pamusoro peanobudirira nenzira yake, pamusoro pemunhu anoita mazano akaipa.

8 Rega kutsamwa, usiye hasha; usazvishungurudza, zvinongopinza chete mukuita zvakaipa.

9 Nokuti vaiti vezvakaipa vachagurwa; asi vanorindira Jehovha, ivo vachagara nhaka yenyika.

10 Pachine chinguvana, wakaipa haachazovipo; kunyange ukacherekedza nzvimbo yake, achange asipo.

11 Asi vanyoro vachagara nhaka yenyika; uye vachazvifadza neuwandu hwerugare.

12 Wakaipa anorongera wakarurama, nekumugedera mazino ake.

13 Ishe achamuseka; nokuti anoona kuti zuva rake rinouya.

14 Vakaipa vakavhomora munondo, uye vakawembura uta hwavo, kuwisira pasi murombo neanoshaiwa, kuuraya wakarurama panzira.

15 Munondo wavo uchapinda pamoyo yavo, uye uta hwavo uzhinji huchavhuniwa.

16 Chishoma wakarurama chaanacho chiri nani pane pfuma yevakaipa vazhinji.

17 Nokuti maoko evakaipa achavhuniwa; asi Jehovha anotsigira vakarurama.

18 Jehovha anoziva mazuva evakarurama; uye nhaka yavo ichava nekusingaperi.

19 Havanganyadziswi nenguva yekuipa; nepamazuva enzara vachaguta.

20 Asi vakaipa vachaparara; uye vavengi vaJehovha vachanyangarika sekubwinya kwemafuro; vachanyangarika muutsi.

21 Wakaipa anokwereta asingadzoreri; asi wakarurama ane tsitsi, anopa.

22 Nokuti vakaropafadzwa naye vachagara nhaka yenyika; asi vakatukwa naye vachagurwa.

23 Nhanho dzemunhu wakarurama dzinoruramiswa naJehovha; uye anofarira munzira yake.

24 Kunyange akawa, haangarasirwi pasi; nokuti Jehovha anotsigira ruoko rwake.

25 Ndaiva mudiki, zvino ndakwegura; zvakadaro handina kuona wakarurama achisiiwa, nembeu yake ichitsvaka zvekudya.

26 Zuva rose ane tsitsi, uye anopa chikwereti; nembeu yake iropafadzo.

27 Ibva pane zvakaipa, uye ita zvakanaka; ugare kusvika rinhi narinhi.

28 Nokuti Jehovha anoda mutongo; uye haangasii vatsvene vake; vachachengetedzwa kusvika rinhi narinhi; asi mbeu yevakaipa ichagurwa.

29 Vakarurama vachagara nhaka yenyika, uye vachagaramo kusvika rinhi narinhi.

30 Muromo wewakarurama unoreva uchenjeri; nerurimi rwake rwunotaura mutongo.

31 Murau waMwari wake uri mumoyo make; nhanho dzake hadzitedzemuki.

32 Wakaipa anochenjerera wakarurama, uye anotsvaka kumuuraya.

33 Jehovha haangamusii muruoko rwake; uye haangamupi mhosva paanotongwa.

34 Rindira Jehovha, uye chengeta nzira yake; zvino achakukudza kuti ugare nhaka yenyika; panogurwa vakaipa uchaona.

35 Ndakaona wakaipa anotyisa, achitandavara semuti munyoro panyika yawo yechisikigo.

36 Zvakadaro anopfuura, zvino tarira, haachipo, hongu, ndakamutsvaka asi haana kuwanikwa.

37 Cherekedzai wakaperera, muone wakarurama; nokuti kuguma kwemunhu uyu rugare.

38 Asi vadariki vachaparadzwa pamwe chete; kuguma kwevakaipa kuchagurwa.

39 Asi ruponeso rwevakarurama rwunobva kuna Jehovha, nhare yavo panguva yekutambudzika.

40 Zvino Jehovha anovabatsira, nekuvanunura; achavanunura kune vakaipa, nekuvaponesa, nokuti vanotizira kwaari.