ShonaTeam Psalms « 36 »

Kuipa kwewakaipa nekunaka kwaMwari

Kumutungamiriri wekuimba. Pisarema raDhavhidhi muranda waJehovha.

36Nhaurwa yekupanduka kune wakaipa iri mumoyo mangu: Hakuna kutya Mwari pamberi pemeso ake.

2 Nokuti anozvinyengera pameso ake, uipi hwake kusvika hwawanikwa huchivengeka.

3 Mashoko emuromo wake uipi neunyengeri; anoguma kuchenjera nekuita zvakanaka.

4 Anoronga chakaipa pamubhedha wake; anozvimisa panzira isina kunaka; haarambi chakaipa.

5 Jehovha, ngoni dzenyu dziri kumatenga; kutendeka kwenyu kunosvika kumakore.

6 Kururama kwenyu kwakaita semakomo makuru; mitongo yenyu udziku ukuru; Jehovha, munoponesa munhu nemhuka.

7 Rwakakosha sei rudo rweunyoro hwenyu, Mwari! Naizvozvo vana vevanhu vanotsvaka utiziro pamumvuri wemapapiro enyu.

8 Vachagutswa kwazvo nezvakakora zveimba yenyu; uye muchavanwisa parwizi rwemafaro enyu.

9 Nokuti kwamuri kune chitubu cheupenyu; muchiedza chenyu tichaona chiedza.

10 Ruenderere mberi rudo rweunyoro hwenyu kune vanokuzivai, nekururama kwenyu kune vakarurama pamoyo.

11 Rutsoka rwevanozvikudza ngarurege kusvika kwandiri; neruoko rwewakaipa ngarurege kundidzungaidza.

12 Ndipo vabati vezvakaipa pavawira; vawisirwa pasi uye havagoni kumuka.