ShonaTeam Psalms « 35 »

Dhavhidhi anokumbira kuti vakaipa varohwe

Pisarema raDhavhidhi.

35Kakavadzanai, Jehovha, nevanokakavadzana neni; irwai nevanorwa neni.

2 Batisisai nhovo huru nenhovo diki, musimukire rubatsiro rwangu.

3 Vhomoraiwo pfumo, mudzivire nzira kurwisa vadzingiriri vangu; itii kumweya weupenyu wangu: Ndiri ruponeso rwako.

4 Ngavanyadziswe vazvidzwe vanotsvaka mweya weupenyu wangu; ngavadzoserwe shure vavhiringidzwe vanorongera dambudziko rangu.

5 Ngavave sehundi pamberi pemhepo; uye mutumwa waJehovha ngaavasunde.

6 Nzira yavo ngaive rima, itedze kwazvo; uye mutumwa waJehovha avadzingirire.

7 Nokuti pasina chikonzero vakandivanzira mumbure wavo mugomba; pasina chikonzero vakacherera mweya weupenyu wangu.

8 Kuparadzwa ngakusvike kwaari akarivara; uye mumbure wake waakavanza ngaumubate iye; ngaawire mauri pakuparadzwa.

9 Asi mweya weupenyu wangu uchafarira Jehovha; uchapembera muruponeso rwake.

10 Mapfupa angu ose achati: Jehovha, ndiani wakaita semwi, munonunura murombo pane ane simba kumupfuura, hongu murombo nemushaiwi pane anomupamba?

11 Zvapupu zvezvakaipa zvinosimuka; vanondibvunza zvandisingazivi.

12 Vanonditsivira zvakaipa pachinzvimbo chezvakanaka; mune mariro mumweya weupenyu wangu.

13 Asi kana ndiri ini, pakurwara kwavo chipfeko changu chaiva saga; ndakaninipisa mweya weupenyu wangu nekutsanya, uye munyengetero wangu wakadzokera muchipfuva changu.

14 Ndakafamba sezvinonzi ishamwari uye sezvinonzi ihama kwandiri; ndakakotama kuchema seanochema mai.

15 Asi pakugumburwa kwangu vakafara, vakaungana pamwe; vakarasiwa vakaungana kundirwisa, zvino ndaiva ndisingazivi; vakabvambura vakasamira.

16 Sevakaipa vanodadira pamabiko vakandigedera mazino avo.

17 Ishe, muchatarisa kusvika rinhi? Dzosai mweya weupenyu wangu pakuparadza kwavo, mudikanwi wangu padzishumba.

18 Ndichakuvongai paungano huru; ndichakurumbidzai pakati pevanhu vane simba.

19 Varege kufara pamusoro pangu avo vari vavengi vangu zvenhema, kana ngavabwaire ziso ivo vanondivenga pasina chikonzero.

20 Nokuti havatauri rugare; asi vanoronga mashoko eunyengeri kurwisa vakanyarara panyika.

21 Zvino vakandishamisira muromo wavo zvikuru, vakati: Hekani, hekani! Meso edu akazviona.

22 Makazviona, Jehovha; regai kunyarara; Ishe, regai kuva kure neni.

23 Zvimutsei, mumukire mutongo wangu, nyaya yangu, Mwari wangu naIshe wangu.

24 Nditongerei, Jehovha Mwari wangu, zvichienderana nekururama kwenyu, uye ngavarege kufara pamusoro pangu.

25 Ngavarege kuti mumoyo wavo: Hekani, chishuvo chedu; ngavarege kuti: Tamumedza.

26 Ngavanyadziswe, vazvidzwe pamwe chete, vanofarira padambudziko rangu; ngavafukidzwe nekunyara nekuzvidzwa, ivo vanozvikudza pamusoro pangu.

27 Ngavadanidzire nemufaro, vafare, ivo vanoshuva kururama kwangu; hongu ngavati rinhi narinhi: Ngaakudzwe Jehovha, iye anoshuva rugare rwemuranda wake.

28 Zvino rurimi rwangu rwuchataura kururama kwenyu, zuva rose kurumbidzwa kwenyu.