ShonaTeam Psalms « 34 »

Jehovha anobatsira vanotenda kwaari

Pisarema raDhavhidhi, paakazviita benzi pamberi paAbhimereki, iye akamudzinga, akaenda.

34Ndicharumbidza Jehovha panguva dzose; rumbidzo yake icharamba iri mumuromo mangu.

2 Mweya weupenyu wangu uchazvirumbidza muna Jehovha; vanyoro vachazvinzwa, vakafara.

3 Kudzai Jehovha pamwe neni; ngatisimudzire zita rake pamwe chete.

4 Ndakatsvaka Jehovha; uye akandipindura, akandinunura pakutya kwangu kose.

5 Vakatarira kwaari, vakapenyeswa nemufaro; uye zviso zvavo hazvinganyadziswi.

6 Murombo uyu wakachema; uye Jehovha wakanzwa, akamuponesa panjodzi dzake dzose.

7 Mutumwa waJehovha anodzika musasa kukomberedza avo vanomutya, nekuvanunura.

8 Ravirai, muone kuti Jehovha wakanaka; wakaropafadzwa murume anovimba naye.

9 Ityai Jehovha, imwi vatsvene vake; nokuti vanomutya havana chinoshaikwa.

10 Vana veshumba vanoshaiwa, vane nzara; asi avo vanotsvaka Jehovha havashaiwi chipi nechipi chakanaka.

11 Uyai imwi vana, munditeerere; ndichakudzidzisai kutya Jehovha.

12 Ndoupi munhu anoshuva upenyu, anoda mazuva kuti aone zvakanaka?

13 Chengeta rurimi rwako kubva pane zvakaipa, nemiromo yako irege kutaura zvinonyengera.

14 Ibva pazvakaipa, uite zvakanaka; tsvaka rugare, umhanye kurutevera.

15 Meso aJehovha ari pavakarurama, uye nzeve dzake dziri pakuchema kwavo.

16 Chiso chaJehovha chinorwisa vanoita zvakaipa, kuti agure chiyeuchidzo chavo panyika.

17 Vakadana, uye Jehovha wakanzwa, akavanunura panjodzi dzavo dzose.

18 Jehovha ari pedo nevane moyo yakaputsika, anoponesa vane mweya yakapwanyika.

19 Matambudziko ewakarurama mazhinji; asi Jehovha anomununura kubva paari ose.

20 Anochengeta mapfupa ake ose; hakuna nerimwe rawo rinovhuniwa.

21 Zvakaipa zvichauraya wakaipa; uye vanovenga wakarurama vachapiwa mhosva.

22 Jehovha anodzikinura mweya weupenyu wevaranda vake; uye vose vanovimba naye havangapiwi mhosva.