ShonaTeam Psalms « 33 »

Rwiyo rwekurumbidza Jehovha

33Pururudzai muna Jehovha, imwi vakarurama; kurumbidza kwakafanira vari muchokwadi.

2 Rumbidzai Jehovha nerudimbwa; muimbirei nemutengeranwa une hungiso gumi.

3 Muimbirei rwiyo rutsva; ridzai zvakanaka neruzha.

4 Nokuti shoko raJehovha rakarurama; nebasa rake rose riri mukutendeka.

5 Anoda kururama nekururamisa; nyika izere neunyoro hwaJehovha.

6 Neshoko raJehovha matenga akaitwa, uye hondo dzose dzawo nekufema kwemuromo wake.

7 Anounganidza mvura dzegungwa semurwi; anoisa makungwa mumatura.

8 Nyika yose ngaitye Jehovha; vagari vose venyika ngavadedere naye.

9 Nokuti iye wakataura, zvikavapo; iye wakaraira, izvo ndokumira.

10 Jehovha anoparadza zano revahedheni; anoshaisa zvirongwa zvevanhu maturo.

11 Zano raJehovha rinomira kusvika rinhi narinhi, mifungo yemoyo wake kuzera nezera.

12 Rwakaropafadzwa rudzi Jehovha ari Mwari warwo, vanhu vaakasarudza kuva nhaka yake.

13 Jehovha wakatarisa ari kumatenga; anoona vanakomana vose vevanhu.

14 Ari panzvimbo yeugaro hwake anotarisa pavagari vose vepanyika.

15 Iye anoumba moyo yavo vose; iye anocherekedza mabasa avo ose.

16 Hapana mambo anoponeswa neuwandu hwehondo; mhare hainunurwi neuwandu hwesimba.

17 Bhiza harina maturo pakukunda; uye harinunuri neukuru hwesimba raro.

18 Tarirai, ziso raJehovha riri pamusoro pevanomutya, pane vanorindira tsitsi dzake;

19 kununura mweya weupenyu wavo parufu, nekuvararamisa panzara.

20 Mweya weupenyu wedu wakarindira Jehovha; ndiye mubatsiri wedu nenhovo yedu.

21 Nokuti moyo wedu uchafara maari, nokuti takavimba nezita rake dzvene.

22 Tsitsi dzenyu ngadzive pamusoro pedu, Jehovha, sezvatakakurindirai.