ShonaTeam Psalms « 32 »

Mufaro wemunhu wakakanganwirwa zvivi zvake

Pisarema raDhavhidhi. Masikiri.

32Wakaropafadzwa uyo chitadzo chake chakakanganwirwa, chivi chake chakafukidzirwa.

2 Wakaropafadzwa munhu Jehovha waasingaverengeri chakaipa, uye pasina kunyengera pamweya wake.

3 Pandakanyarara, mapfupa angu akakwegura nekuvovora kwangu zuva rose.

4 Nokuti masikati neusiku ruoko rwenyu rwairema pamusoro pangu; unyoro hwangu hwakashandurwa hukava kuoma kwechirimo. Sera.

5 Ndakakuzivisai chivi changu, uye kuipa kwangu handina kuvanza; ndakati: Ndichareurura maererano nezvitadzo zvangu kuna Jehovha; uye imwi makakanganwira kuipa kwechivi changu. Sera.

6 Nekuda kweizvi umwe neumwe anotya Mwari ngaanyengetere kwamuri panguva yamunowanikwa; zvirokwazvo pafashame redzimvura zhinji hadzisvikiri kwaari.

7 Imwi muri nzvimbo yangu yekuvanda; muchandichengeta pakutambudzika; muchandikomberedza nenziyo dzekununura. Sera.

8 Ndichakuraira nekukudzidzisa munzira yauchafamba nayo; ndichapa zano; ziso rangu riri pamusoro pako.

9 Regai kuva sebhiza, senyurusi zvisina kunzwisisa; muromo waro kubatwa nemakashu nematomu, zvimwe riswedere kwauri.

10 Matambudziko ewakaipa akawanda; asi anovimba naJehovha, tsitsi dzichamukomba.

11 Farai muna Jehovha, mupembere, imwi vakarurama; pururudzai, imwi mose vakarurama pamoyo.