ShonaTeam Psalms « 31 »

Dhavhidhi anokumbira kubatsirwa, achivonga unyoro hwaJehovha

Kumutungamiriri wekuimba. Pisarema raDhavhidhi.

31Kwamuri Jehovha, ndinovimba; ndirege kutongonyadziswa; ndinunurei mukururama kwenyu.

2 Rerekerai nzeve yenyu kwandiri; kurumidzai kundinunura; ivai dombo rangu rakasimba, imba yenhare yakasimba yekundiponesa.

3 Nokuti imwi muri dombo rangu nenhare yangu; naizvozvo nditungamirirei mundisesedze nekuda kwezita renyu.

4 Ndibudisei pamumbure wavakandivanzira; nokuti imwi muri nhare yangu.

5 Ndinoisa mweya wangu muruoko rwenyu; makandidzikinura, Jehovha, Mwari wechokwadi.

6 Ndakavenga vanotarisa zvisina maturo zvenhema; asi ini ndinovimba naJehovha.

7 Ndichafara nekufarisisa mutsitsi dzenyu; nokuti makaona dambudziko rangu; makaziva mweya weupenyu wangu mukumanikidzika kukuru.

8 Uye hamuna kundivharira muruoko rwemuvengi; makamisa tsoka dzangu panzvimbo yakafarikana.

9 Ndinzwirei tsitsi Jehovha, nokuti ndiri padambudziko; ziso rangu rapedzwa nekurwadziwa, mweya weupenyu wangu nemuviri wangu.

10 Nokuti upenyu hwangu hwunopera nemarwadzo, nemakore angu nekugomera; simba rangu rinodzadzarika nekuda kwekutadza kwangu, uye mapfupa angu anopedzwa.

11 Ndava chizvidziwa pakati pevavengi vangu vose, asi zvikuru kuvavakidzani vangu, nechityiso kuvazivikani vangu; vanondiona kunze vanonditiza.

12 Ndakanganikwa sewakafa kubva pamoyo; ndava semudziyo unoparara.

13 Nokuti ndakanzwa kupomera kwevazhinji, kutya kurutivi rwose, pakundirangana pamwe chete kwavo; vanoronga kutora mweya wangu.

14 Asi ini ndakavimba nemwi, Jehovha; ndakati: Muri Mwari wangu.

15 Nguva dzangu dziri muruoko rwenyu; ndinunurei paruoko rwevavengi vangu, nepavadzingiriri vangu.

16 Vhenekeresai chiso chenyu pamuranda wenyu; ndiponesei nengoni dzenyu.

17 Jehovha, ngandirege kunyadziswa; nokuti ndakadana kwamuri; vakaipa ngavanyadziswe; ngavanyarare paguva.

18 Miromo yenhema ngainyaradzwe, inotaura zvakaoma kurwisa wakarurama nekuzvikudza nekuzvidza.

19 Haiwa, kwakakura sei kururama kwenyu, kwamakaisira avo vanokutyai, makavaitira avo vanovimba nemwi pamberi pevanakomana vevanhu.

20 Muchavavanza pakavanda pekuvapo kwenyu kuti vabve pamarangano emunhu; muvavige padumba pakukakavadzana kwendimi.

21 Jehovha ngaavongwe, nokuti wakandiitira tsitsi dzinoshamisa paguta riri nhare.

22 Nokuti ini ndakati pakukurumidza kwangu: Ndagurwa ndabviswa pamberi pemeso enyu. Zvakadaro makanzwa inzwi remikumbiro yangu pakuchema kwangu kwamuri.

23 Idai Jehovha, imwi mose vatsvene vake; Jehovha anochengeta vakatendeka, uye anotsiva zvikuru anoita nekuzvikudza.

24 Simbai, achasimbisa moyo wenyu, imwi mose munovimba naJehovha.