ShonaTeam Psalms « 30 »

Rwiyo rwekuvonga

Pisarema, rwiyo pakutsaurira Dhavhidhi imba.

30Ndichakukudzai, Jehovha, nokuti makandisimudza, uye hamuna kuita vavengi vangu vafare pamusoro pangu.

2 Jehovha, Mwari wangu, ndakachema kwamuri, uye mukandirapa.

3 Jehovha, makakwidza mweya weupenyu wangu kubva paSheori; makandichengeta ndiri mupenyu kuti ndirege kuburukira kugomba.

4 Imbirai Jehovha nziyo dzekurumbidza, imwi vatsvene vake, muvonge pachirangariro cheutsvene hwake.

5 Nokuti pane chinguvana pakutsamwa kwake; asi tsitsi dzake ndedzeupenyu hwose. Pamadekwani kuchema kunopedza usiku hwose, asi pamangwanani pane mufaro.

6 Ini ndakati pakubudirira kwangu: Handingatongozununguswi.

7 Jehovha, netsitsi dzenyu makamisa gomo rangu nesimba; makavanza chiso chenyu; ini ndikatambudzika.

8 Ndakachema kwamuri, Jehovha; uye ndakakumbira kuna Ishe.

9 Mune rubatsiro rwei muropa rangu, pakuburukira kwangu kugomba? Guruva ringakurumbidzai here? Ringadudzira chokwadi chenyu here?

10 Inzwai Jehovha, mundinzwirei tsitsi; Jehovha, ivai mubatsiri wangu.

11 Makashandura kuchema kwangu kukava kutamba; makasunungura saga rangu, mukasunga chiuno changu nemufaro;

12 kuti rukudzo rwangu rwukuimbirei nziyo dzekurumbidza, rwurege kunyarara. Jehovha Mwari wangu, ndichakuvongai nekusingaperi.