ShonaTeam Psalms « 28 »

Munyengetero wekukumbira rubatsiro

Pisarema raDhavhidhi.

28Ndichadana kwamuri, Jehovha; dombo rangu, regai kundinyararira; zvimwe kana mukandinyararira ndingafanana nevanoburukira kugomba.

2 Inzwai inzwi remikumbiro yangu, kana ndichichemera rubatsiro kwamuri, kana ndichisimudzira maoko angu kunzvimbo yenyu yeinzwi dzvene.

3 Musandikweva pamwe nevakaipa uye pamwe nevaiti vezvakaipa, ivo vanotaura rugare kuvavakidzani vavo, asi chakaipa chiri mumoyo mavo.

4 Muvape zvinoenderana nezviito zvavo uye zvinoenderana neuipi hwezviito zvavo; vapei zvinotevera basa remaoko avo; dzoserai kwavari chiito chavo.

5 Nokuti havana hanya nemabasa aJehovha, kana nekuita kwemaoko ake, achavaputsa nekusavavaka.

6 Ngaarumbidzwe Jehovha, nokuti wakanzwa inzwi remikumbiro yangu.

7 Jehovha isimba rangu nenhovo yangu; moyo wangu wakavimba naye, uye ndakabatsirwa; naizvozvo moyo wangu wakapembera, uye ndinomurumbidza nerwiyo rwangu.

8 Jehovha isimba ravo, uye inhare yeruponeso rukuru rwemuzodzwa wake.

9 Ponesai vanhu venyu, uye ropafadzai nhaka yenyu, muvafudzewo, muvatakure kusvika rinhi narinhi.