ShonaTeam Psalms « 27 »

Jehovha ndiye chiedza neruponeso

Pisarema raDhavhidhi.

27Jehovha chiedza changu neruponeso rwangu; ndiani wandingatya? Jehovha isimba reupenyu hwangu; ndiani wandingabvunda?

2 Pakaswedera kwandiri vakaipa, vavengi vangu, nevadzivisi vangu kwandiri, kuzodya nyama yangu, ivo vakagumburwa vakawa.

3 Kunyange hondo ikandidzikira musasa, moyo wangu haungatyi; kunyange kurwa kukandimukira, ndichavimba neizvi.

4 Chinhu chimwe ndakakumbira kuna Jehovha, ndicho chandichatsvaka: Kugara kwangu mumba maJehovha mazuva ose eupenyu hwangu, kuona kunaka kwaJehovha, nekurangarira mutembere yake.

5 Nokuti nezuva renjodzi anondiviga mudumba rake; achandivanza pakavanda petende rake; achandikwiridza padombo.

6 Zvino ikozvino musoro wangu uchasimudzirwa pamusoro pevavengi vangu vanondikomba; naizvozvo ndichabaira zvibairo zvemufaro mutende rake. Ndichaimba, uye ndichaimba rumbidzo kuna Jehovha.

7 Inzwai Jehovha, inzwi rangu, ndichidana; ivaiwo netsitsi neni mugondipindura.

8Makati: Tsvakai chiso changu. Moyo wangu wakati kwamuri: Chiso chenyu, Jehovha, ndichachitsvaka.

9 Regai kundivanzira chiso chenyu; musadzinga muranda wenyu pakutsamwa; maiva rubatsiro rwangu; regai kundirasa, kana kundisiya, Mwari weruponeso rwangu.

10 Baba vangu namai vangu pavanondisiya, ipapo Jehovha achandiunganidza.

11 Ndidzidzisei nzira yenyu Jehovha; uye munditungamirire panzira yakati chechetere, nekuda kwevavengi vangu.

12 Regai kundikumikidza kuchido chevavengi vangu, nokuti zvapupu zvenhema zvandimukira, naiye anofemereka hasha.

13Ndingadai ndakaparara kunze kwekuti ndakatenda kuti ndichaona kunaka kwaJehovha panyika yevapenyu.

14 Rindira Jehovha; iva nesimba, nemoyo wako usimbe; hongu, rindira Jehovha.