ShonaTeam Psalms « 26 »

Munhu asina mhosva anonyengeterera kururamisirwa

Pisarema raDhavhidhi.

26Nditongerei Jehovha, nokuti ini ndakafamba muuchokwadi hwangu; ndakavimbawo naJehovha; handitedzemuki.

2 Ndinzverei Jehovha, mugondiedza; natsurudzai itsvo dzangu nemoyo wangu.

3 Nokuti unyoro hwenyu huri pamberi pemeso angu, uye ndakafamba muchokwadi chenyu.

4 Handina kugara nevanhu vekunyengera, uye handingafambi nevanovanza.

5 Ndakavenga ungano yevaiti vezvakaipa, uye handigari nevatadzi.

6 Ndichashambidza maoko angu mukusava nemhosva; ndigopoteredza aritari yenyu, Jehovha.

7 Kuti ndinzwise nenzwi rekuvonga, uye ndirondedzere mabasa enyu ose anoshamisa.

8 Jehovha, ndakada ugaro hweimba yenyu, nenzvimbo yetabhenakeri yekubwinya kwenyu.

9 Musaunganidza mweya weupenyu wangu pamwe nevatadzi, neupenyu hwangu pamwe nevarume veropa.

10 Mumaoko avo mune uipi, neruoko rwavo rwerudyi rwuzere fufuro.

11 Asi ini ndichafamba muuchokwadi hwangu; ndidzikunurei, mundinzwire tsitsi.

12 Rutsoka rwangu rwakamira panzvimbo yakaenzana; ndicharumbidza Jehovha padziungano.