ShonaTeam Psalms « 24 »

Jehovha weumambo

Pisarema raDhavhidhi.

24Nyika ndeyaJehovha, nekuzara kwayo, nyika nevagere mairi.

2 Nokuti iye wakaiteya pamusoro pemakungwa, nekuisimbisa pamusoro penzizi.

3 Ndiani achakwira mugomo raJehovha? Kana ndiani achamira panzvimbo yake tsvene?

4 Uyo ane maoko akachena nemoyo wakashambidzika; asingasimudziri mweya weupenyu wake kune zvisina maturo, neasingapiki mukunyengera.

5 Iye achagamuchira maropafadzo kubva kuna Jehovha, nekururamiswa kubva kuna Mwari weruponeso rwake.

6 Urwu rudzi rweavo vanomutsvaka, vanotsvaka chiso chenyu, iye Jakove. Sera.

7 Simudzai misoro yenyu, imwi masuwo; uye simudzwai, imwi magonhi arinhi narinhi; kuti kupinde mambo wekubwinya.

8 Ndiani uyu mambo wekubwinya? Jehovha ane simba neumhare, Jehovha ane umhare pahondo.

9 Simudzai misoro yenyu imwi masuwo; hongu simukai imwi magonhi arinhi narinhi; kuti kupinde mambo wekubwinya.

10 Ndiani uyu mambo wekubwinya? Jehovha wehondo, ndiye mambo wekubwinya. Sera.