ShonaTeam Psalms « 23 »

Jehovha mufudzi wangu

Pisarema raDhavhidhi.

23Jehovha mufudzi wangu; handishaiwi.

2 Anondirarisa pamafuro manyoro; anondisesedza pamvura inozorodza.

3 Anovandudza mweya weupenyu wangu; anondisesedza panzira dzekururama nekuda kwezita rake.

4 Hongu, kunyange ndikafamba nemumupata wemumvuri werufu, handingatyi chakaipa, nokuti imwi muneni; tsvimbo yenyu nemudonzvo wenyu, ndizvo zvinondinyaradza.

5 Munogadzira tafura mberi kwangu pamberi pevavengi vangu; munozodza musoro wangu nemafuta; mukombe wangu unopfachuka.

6 Zvirokwazvo kunaka nenyasha zvichanditevera mazuva ose eupenyu hwangu; uye ndichagara mumba maJehovha kusvika paurefu hwemazuva.