ShonaTeam Psalms « 22 »

Kuchema kwemunhu wakasiiwa naMwari

Kumutungamiriri wekuimba; nenondo yemangwanani. Pisarema raDhavhidhi.

22Mwari wangu, Mwari wangu, mandisiireiko? Muri kure nekundibatsira, nepamashoko ekuvovora kwangu?

2 Mwari wangu, ndinodana masikati, asi hamupinduri; nepausiku, asi handina kunyarara.

3 Asi imwi muri mutsvene, mugere parumbidzo dzaIsraeri.

4 Madzibaba edu akavimba nemwi; vakavimba, imwi ndokuvanunura.

5 Vakachema kwamuri, ndokununurwa; vakavimba nemwi, uye havana kunyadziswa.

6 Asi ini ndiri honye, uye handisi munhu, chizvidziwa chevanhu, nechinoshorwa nevanhu.

7 Vose vanondiona vanondiseka, vanoshamisa muromo, vanodzungudza musoro, vachiti:

8 Zviisei kuna Jehovha; ngaamununure; ngaamurwire, nokuti anomufarira.

9 Asi ndimwi makandibudisa muchizvaro; makandivimbisa ndichiri pamazamu amai vangu.

10 Ndakarasirwa kwamuri kubva pachizvaro; imwi muri Mwari wangu kubva padumbu ramai vangu.

11 Regai kuva kure neni; nokuti dambudziko riri pedo; nokuti hapana mubatsiri.

12 Hando zhinji dzakandikomba; dzakasimba dzeBhashani dzakandikomberedza.

13 Dzinondishamisira muromo wadzo, shumba inobvamburanya uye inoomba.

14 Ndakadururwa semvura, nemapfupa angu ose aparadzana; moyo wangu wakaita senamo; wakanyauka mukati meura hwangu.

15 Simba rangu rakaoma sechaenga; nerurimi rwangu rwakanamatira pashaya dzangu; uye makandiisa paguruva rerufu.

16 Nokuti imbwa dzakandikomberedza; ungano yevakaipa yakandipoteredza; vakaboora maoko angu nemakumbo angu.

17 Ndingaverenga mapfupa angu ose; ivo vanonditarisa, vanondinan'anidza.

18 Vanogovana nguvo dzangu pakati pavo, nekukanda mujenya pamusoro pechipfeko changu.

19 Asi imwi Jehovha, regai kuva kure; simba rangu, kurumidzai kurubatsiro rwangu.

20 Nunurai mweya weupenyu wangu pamunondo; iwo woga wangu pasimba rembwa.

21 Ndiponesei pamuromo weshumba; nokuti makandipindura ndiri panyanga dzenyati.

22 Ndicharondedzera zita renyu kuhama dzangu; ndichakurumbidzai pakati peungano.

23 Imwi munotya Jehovha, murumbidzei; imwi mose chizvarwa chaJakove, mukudzei; uye mumutyei, imwi mose chizvarwa chaIsraeri.

24 Nokuti haana kuzvidza kana kusema dambudziko reanotambudzwa, uye haana kumuvanzira chiso chake; asi paakachema kwaari, wakanzwa.

25 Rumbidzo yangu nekuda kwenyu ichava paungano huru; ndicharipa mhiko dzangu pamberi pevanomutya.

26 Vanyoro vachadya ndokuguta; vacharumbidza Jehovha ivo vanomutsvaka; moyo wenyu uchararama nekusingaperi.

27 Migumo yose yenyika icharangarira ndokudzokera kuna Jehovha; nemarudzi ose evahedheni achashumira pamberi penyu.

28 Nokuti ushe ndehwaJehovha; uye anotonga pakati pevahedheni.

29 Vakakora vose venyika vachadya uye vachashumira; vose vanoburukira kuguruva vachafugama pamberi pake, neasina kuchengeta mweya weupenyu wake uri mupenyu.

30 Mbeu ichamushumira; icharondedzerwa kuna Ishe kuzera iro.

31 Vachauya uye vachadudzira kururama kwake kuvanhu vachazozvarwa, kuti wakazviita.