ShonaTeam Psalms « 21 »

Kuvonga Mwari pakununurwa

Kumutungamiriri wekuimba. Pisarema raDhavhidhi.

21Mambo achafara musimba renyu, Jehovha; nemuruponeso rwenyu achafara zvikuru sei!

2 Makamupa chishuvo chemoyo wake, uye hamuna kunyima chikumbiro chemiromo yake. Sera.

3 Nokuti munomuchingura nemaropafadzo ezvakanaka; munodzika korona yegoridhe rakaisvonaka pamusoro wake.

4 Wakakumbira upenyu kwamuri; mukamupa ihwo; urefu hwemazuva nekusingaperi narinhi.

5 Rukudzo rwake rukuru paruponeso rwenyu; kubwinya nekukudzwa makaisa pamusoro pake.

6 Nokuti makamuita wakaropafadzwa kwazvo nekusingaperi; makamupembedza nemufaro pakuvapo kwenyu.

7 Nokuti mambo anovimba naJehovha, uye netsitsi dzeWekumusoro-soro haangazungunuswi.

8 Ruoko rwenyu rwuchawana vavengi venyu vose; ruoko rwenyu rwerudyi rwuchawana avo vanokuvengai.

9 Muchavaita vave sevira remoto panguva yekuvapo kwenyu. Jehovha achavamedza pakutsamwa kwake, uye moto uchavapedza.

10 Chibereko chavo muchaparadza kubva panyika, nembeu yavo kubva pakati pevana vevanhu.

11 Nokuti vakatandavadzira zvakaipa kukurwisai; vakaronga zano rakaipa; vachakundikana.

12 Nokuti muchavafuratisa; nehungiso dzenyu dzeuta muchagadzira miseve kurwisa chiso chavo.

13 Simukai Jehovha, pasimba renyu; tichaimba nekuitira mumhanzi simba renyu.