ShonaTeam Psalms « 20 »

Munyengetero wekukumbira kukunda

Kumutungamiriri wekuimba. Pisarema raDhavhidhi.

20Jehovha ngaakupindure pazuva redambudziko; zita raMwari waJakove ngarikukwiridzire.

2 Ngaakutumire rubatsiro runobva panzvimbo tsvene; uye akutsigire ari paZiyoni.

3 Ngaarangarire zvipo zvako zvose, uye agamuchire chipo chako chinopiswa. Sera.

4 Ngaakupe zvinoenderana nemoyo wako, agozadzisa zano rako rose.

5 Tichadana nemufaro muruponeso rwako; nemuzita raMwari wedu tichasimudza mureza. Jehovha ngaazadzise mikumbiro yako yose.

6 Zvino ndinoziva kuti Jehovha anoponesa muzodzwa wake; achamupindura ari kumatenga ake matsvene, nemasimba eruponeso rweruoko rwake rwerudyi.

7 Vamwe vanovimba nengoro, uye vamwe nemabhiza; asi isu ticharangarira zita raJehovha Mwari wedu.

8 Ivo vakotamiswa, vawa; asi isu tasimuka, uye takamira.

9 Ponesai, Jehovha; mambo ngaatipindure pazuva rekudana kwedu.