ShonaTeam Psalms « 19 »

Mabasa aMwari nemirairo yake

Kumutungamiriri wekuimba. Pisarema raDhavhidhi.

19Matenga anorondedzera kubwinya kwaMwari; uye muchadenga munoparidza basa remaoko ake.

2 Zuva rinodururira nhauro kuzuva, neusiku hunoratidza ruzivo kuusiku.

3 Hapana nhauro uye hapana mashoko inzwi razvo parisina kunzwikwa.

4 Rwonzi rwazvo rwakabudira panyika yose, nemashoko azvo kumugumo wenyika. Wakamisira zuva tende mazviri.

5 Uye iro rakaita sechikomba chinobuda mukamuri macho; rinofara semhare kumhanya panzira.

6 Kubuda kwaro kunobva pamugumo wematenga, nekupoteredza kwaro kusvika kumigumo yaro; uye hakuna chakavanzirwa kupisa kwaro.

7 Murau waJehovha wakaperera, unoshandura mweya weupenyu; chipupuro chaJehovha ichokwadi, chinochenjedza asina mano.

8 Zvimiso zvaJehovha zvakarurama, zvinofadza moyo; murairo waJehovha wakachena, unovhenekera maziso.

9 Kutya Jehovha kwakachena, kunogara nekusingaperi; mitongo yaJehovha ichokwadi, yakarurama zvakazara.

10 Zvinoshuvika kupfuura goridhe, hongu, kupfuura goridhe zhinji rakaisvonaka; zvinotapirawo kupfuura uchi, nemusvi wemazinga euchi.

11 Uye muranda wenyu anonyeverwa nazvo; pakuzvichengeta pane mubairo mukuru.

12 Ndiani anganzwisisa zvitadzo? Ndichenesei pamhosva pane zvakavanda.

13 Chengetai muranda wenyu kubva pakuzvikudzawo; ngavarege kutonga pamusoro pangu. Ipapo ndichava wakakwana ndive wakachena pachitadzo chikuru.

14 Mashoko emuromo wangu nemurangariro wemoyo wangu ngazvigamuchirike pamberi penyu, Jehovha, dombo rangu nemudzikunuri wangu.