ShonaTeam Psalms « 18 »

Rwiyo rwaDhavhidhi rwekuvonga Jehovha pakununurwa

Kumutungamiriri wekuimba. Pisarema raDhavhidhi, muranda waJehovha, wakataura kuna Jehovha mashoko erwiyo urwu nezuva Jehovha raakamununura paruoko rwevavengi vake vose neparuoko rwaSauro.

18Ndokuti: Ndichakudai, Jehovha, simba rangu.

2 Jehovha idombo rangu, nenhare yangu, nemununuri wangu, Mwari wangu, ibwe rangu, wandichavimba maari, nhovo yangu, nerunyanga rweruponeso rwangu, shongwe yangu yakakwirira.

3 Ndichadana kuna Jehovha anorumbidzika; naizvozvo ndichaponeswa pavavengi vangu.

4 Zvisungo zverufu zvakandikomba; nemafashame ezvakaipa akandivhundusa.

5 Zvisungo zvegehena zvakandikomberedza; misungo yerufu yaiva pamberi pangu.

6 Pakutambudzika kwangu ndakadana Jehovha, uye ndakachemera kuna Mwari wangu; wakanzwa inzwi rangu ari mutembere yake; uye kuchema kwangu kwakauya pamberi pake munzeve dzake.

7 Ipapo nyika yakazununguka uye yakadedera; nenheyo dzemakomo dzakadengenyeka nekuzununguka, nokuti waiva akatsamwa.

8 Kwakakwira utsi kubva mumhino yake, uye moto kubva mumuromo make wakaparadza; mazimbe akapfutidzwa nawo.

9 Wakakotamisawo matenga, ndokuburuka; nerima guru raiva pasi petsoka dzake.

10 Zvino wakatasva kerubhi, ndokubhururuka; ndokubhururuka achikurumidza pamapapiro emhepo.

11 Wakaita rima nzvimbo yake yakavanda; dumba rake rakamupoteredza; kusviba kwedzimvura, makore matema emuzvadenga.

12 Pakupenya kwaiva pamberi pake makore ake matema achipfuura, chimvuramabwe nemazimbe emoto.

13 Jehovha wakatinhirawo mumatenga, uye Wekumusoro-soro wakapa inzwi rake, chimvuramabwe, nemazimbe emoto.

14 Zvino wakatuma miseve yake, ndokuvaparadza; nemheni zhinji, ndokuvavhiringidza.

15 Ipapo kwakaonekwa migero yemvura, uye nheyo dzenyika dzakafukunurwa, pakushoora kwenyu, Jehovha, pamhepo yekufema kwemhino yenyu.

16 Wakatuma ari kumusoro, wakandibata, wakandinyurura mumvura zhinji.

17 Wakandinunura pamuvengi wangu ane simba, nekune vanondivenga, nokuti vaiva vakasimbisa kwandiri.

18 Vaiva pamberi pangu pazuva redambudziko rangu, asi Jehovha wakava mutsigiri wangu.

19 Wakandibudisirawo kunzvimbo yakafarikana, akandinunura nokuti waifara mandiri.

20 Jehovha wakandipa mubairo zvichienderana nekururama kwangu; zvichienderana nekuchena kwemaoko angu wakandidzorera.

21 Nokuti ndakachengeta nzira dzaJehovha, uye handina kubva kuna Mwari wangu nekuipa.

22 Nokuti mitongo yake yose yaiva pamberi pangu, uye handina kutsausa zvimiso zvake kubva kwandiri.

23 Ndaivawo ndakarurama kwaari, uye ndakazvichengeta pazvakaipa zvangu.

24 Naizvozvo Jehovha wakanditsivira zvichienderana nekururama kwangu, zvichienderana nekuchena kwemaoko angu pamberi pemeso ake.

25 Kune ane tsitsi munozviratidza mune tsitsi; kune munhu wakarurama munozviratidza makarurama;

26 kune wakachena munozviratidza makachena; uye kune wakatsauka munozviratidza makatsauka.

27 Nokuti imwi muchaponesa vanhu vanotambudzwa; asi muchaderedza meso ekuzvikudza.

28 Nokuti imwi muchatungidza mwenje wangu; Jehovha Mwari wangu achavhenekera rima rangu.

29 Nokuti nemwi ndakamhanya nemuhondo; uye naMwari wangu ndichakwakuka rusvingo.

30 Mwari, nzira yake yakaperera; shoko raJehovha rakaedzwa; inhovo kune vose vanovimba naye.

31 Nokuti ndiani Mwari, kunze kwaJehovha? Uye ndiani dombo, kusara kwaMwari wedu?

32 NdiMwari anondisunga chiuno nesimba, nekuperedzera nzira yangu.

33 Anoita tsoka dzangu dzive sedzenondokadzi, nekundiisa panzvimbo dzangu dzakakwirira.

34 Anodzidzisira maoko angu hondo, kuti uta hwendarira huhwemburwe nemaoko angu.

35 Makandipawo nhovo yeruponeso rwenyu; neruoko rwenyu rwerudyi rwakanditsigira, uye unyoro hwenyu hunondikudza.

36 Makafaranukisa nhanho yangu pasi pangu, kuti zvidodoma zvangu zvisatedzemuka.

37 Ndakadzingirira vavengi vangu, ndokuvabata, uye handina kudzokera shure kusvika vapedzwa.

38 Ndakavapwanya, kusvika vakonewa kumuka; vakawa pasi petsoka dzangu.

39 Nokuti makandisungira chiuno hondo nesimba; makaisa pasi pangu vanondimukira.

40 Makandipawo mutsipa wevavengi vangu; avo vanondivenga ndakavaparadza.

41 Vakachema asi pasina muponesi, kuna Jehovha, asi haana kuvapindura.

42 Zvino ndakavakuya seguruva pamberi pemhepo; ndakavadurura sematope enzira dzemumusha.

43 Makandinunura pakukakavadzana kwevanhu; makandimisa kuva musoro wendudzi; vanhu vandisina kuziva vachandishandira.

44 Pakunzwa kwenzeve vachanditeerera; vatorwa vachazvininipisa kwandiri neunyepedzeri.

45 Vatorwa vachasvava, vagobuda munhare dzavo vachidedera.

46 Jehovha mupenyu; uye dombo rangu ngariropafadzwe; uye Mwari weruponeso rwangu ngaarumbidzwe.

47 Mwari anondipa kutsiva kuzhinji; uye anowisira vechirudzi pasi pangu.

48 Wakandinunura pavavengi vangu; hongu, imwi makandisimudza pamusoro peavo vanondimukira; makandinunura pamunhu ane chisimba.

49 Naizvozvo ndichakuvongai, Jehovha, pakati pevechirudzi, uye ndichaimbira zita renyu rumbidzo.

50 Anokurisa rudzikunuro rukuru rwamambo wake, anoitira muzodzwa wake tsitsi, kuna Dhavhidhi, nekumbeu yake kusvika rinhi narinhi.