ShonaTeam Psalms « 17 »

Munyengetero pakutambudzwa kweasina mhosva

Munyengetero waDhavhidhi.

17Inzwai kururama Jehovha; muteerere kuchema kwangu; ipai nzeve kumunyengetero wangu, kwete kubva pamiromo inonyengera.

2 Mutongo wangu ngaubude kubva pakuvapo kwenyu; meso enyu ngaaone zvinhu zvakarurama.

3 Makaedza moyo wangu; makashanya usiku; makandiidza, hamuna kuwana chinhu; ndakazvisunga, muromo wangu hauna kutsauka.

4 Maererano nemabasa evanhu, kubudikidza neshoko remiromo yenyu, ini ndakazvichengetedza panzira dzemuparadzi.

5 Kutsigira nhambwe dzangu pamakwara enyu, tsoka dzangu dzirege kutedzemuka.

6 Ini ndakadana kwamuri, nokuti muchandipindura, Mwari; rerekai nzeve yenyu kwandiri, munzwe nhaurwa yangu.

7 Ratidzai nekushamisa rudo rweunyoro hwenyu, imwi munoponesa neruoko rwenyu rwerudyi avo vanovimba nemwi pane vanovamukira.

8 Ndichengetei semboni yeziso, mwana weziso; ndivanzei pasi pemumvuri wemapapiro enyu;

9 kubva pachiso chevakaipa vanondimanikidza, vavengi vemweya weupenyu wangu vanondikomba.

10 Vakadzivira nemafuta avo; nemuromo wavo vanotaura nekuzvikudza.

11 Vatikomberedza zvino panhanho dzedu; meso avo vakamisa kutikotamisira pasi.

12 Wakaita seshumba inokarira kuparadza, uye seshumba diki inogarira panzvimbo dzakavanda.

13 Mukai, Jehovha, chingamidzai chiso chake, mumukandire pasi, nunurai mweya weupenyu wangu pane wakaipa, munondo wenyu;

14 kuvanhu, neruoko rwenyu imwi Jehovha, kuvanhu venyika, vane mugove wavo paupenyu uhu, vamunozadza dumbu ravo nefuma yenyu; vakazara nevana; vanosiira vacheche vavo zvakasara zvavo.

15 Ini ndichaona chiso chenyu pakururama; ndichaguta nemufananidzo wenyu pakumuka kwangu.