ShonaTeam Psalms « 16 »

Jehovha mugove wangu

Mikitami yaDhavhidhi.

16Ndichengetedzei, Mwari, nokuti ndinovimba nemwi.

2Moyo wangu wakati kuna Jehovha: Ndimwi Ishe wangu; kunaka kwangu hakusviki kwamuri.

3Asi kuvatsvene vari panyika, ndivo, nevakanakisisa; mufaro wangu wose uri mavari.

4 Kusuruvara kwavo kuchapamhidzirwa kwevanomhanyira umwe mwari; handingapi zvipo zvavo zvezvinwiwa zveropa, nemazita avo handingaabati pamiromo yangu.

5 Jehovha mugove wenhaka yangu newemukombe wangu; imwi munotsigira mugove wangu.

6 Rwonzi rwekupima rwakawira kwandiri panzvimbo dzinofadza, hongu, nhaka yakaisvonaka ndeyangu.

7 Ndicharumbidza Jehovha wakandipa zano; nepausiku itsvo dzangu dzinondirairira.

8 Ndakaisa Jehovha pamberi pangu rinhi narinhi; nokuti ari kurudyi rwangu, handingazununguswi.

9 Naizvozvo moyo wangu unofara, nerukudzo rwangu rwunopembera, hongu, nyama yangu ichagara yakachengeteka.

10 Nokuti hamungasii mweya weupenyu wangu mugehena; hamungapi mutsvene wenyu kuti aone kuora.

11 Muchandizivisa nzira yeupenyu; kuzara kwekupembera kuri pakuvapo kwenyu, kuruoko rwenyu rwerudyi kune mafaro nekusingaperi.