ShonaTeam Psalms « 14 »

Upenzi nekuipa kwemunhu

Kumutungamiriri wekuimba. Pisarema raDhavhidhi.

14Benzi rakati mumoyo maro: Hakuna Mwari. Vakaora, vakaita basa rinonyangadza; hapana anoita zvakanaka.

2 Jehovha wakatarisa pasi ari kumatenga pamusoro pevanakomana vevanhu kuona kana aripo anonzwisisa, anotsvaka Mwari.

3 Vakatsauka vose, vakanyangara pamwe chete, hapana anoita zvakanaka, hakuna kana umwe.

4 Vaiti vose vezvakaipa havazivi here, vanodya vanhu vangu sevanodya chingwa? Vasingadani Jehovha.

5 Ipapo vaitya nekutya, nokuti Mwari ari pazera rewakarurama.

6 Makanyadzisa zano remurombo, nokuti Jehovha utiziro hwake.

7 Dai ruponeso rwaIsraeri rwaibva paZiyoni! Jehovha paanodzosa kutapwa kwevanhu vake, Jakove achafara, Israeri achapembera.