ShonaTeam Psalms « 13 »

Munyengetero wekukumbira rubatsiro

Kumutungamiriri wekuimba. Pisarema raDhavhidhi.

13Kusvika rinhi Jehovha muchindikanganwa nekusingaperi? Kusvika rinhi muchindivanzira chiso chenyu?

2 Kusvika rinhi ndichiisa mazano mumweya weupenyu wangu, kusuruvara mumoyo mangu nezuva? Kusvika rinhi muvengi wangu achikwiridzirwa pamusoro pangu?

3 Tarirai, ndipindurei, Jehovha Mwari wangu; vhenekerai meso angu, zvimwe ndirare hope dzerufu;

4 zvimwe muvengi wangu ati: Ndamukunda; vadzivisi vangu vafare kana ndazununguka.

5 Asi ini ndakavimba munyasha dzenyu; moyo wangu uchafara muruponeso rwenyu.

6 Ndichaimbira Jehovha, nokuti wakandiitira zvakanaka kwazvo.