ShonaTeam Psalms « 12 »

Munyengetero wekukumbira rubatsiro kuna Mwari

Kumutungamiriri wekuimba; neSheminiti. Pisarema raDhavhidhi.

12Ponesai, Jehovha, nokuti anoda Mwari woguma; nokuti vakatendeka vonyangarika pakati pevana vevanhu.

2 Vanotaura zvisina maturo, umwe neumwe newekwake; muromo weunyengeri; vanotaura nemoyo miviri.

3 Jehovha achagura miromo yose inonyengera, rurimi rwunotaura zvinhu zvikuru;

4 ivo vakati: Tichakunda nerurimi rwedu; miromo yedu ndeyedu; ndiani ari ishe pamusoro pedu?

5 Nekuda kwekupambiwa kwevarombo, nekuda kwekugomera kwevanoshaiwa, ikozvino ndava kumuka, ndizvo zvinoreva Jehovha; ndichamuisa pakachengetedzeka anomufemerekera.

6 Mashoko aJehovha mashoko akachena, sirivha yakaedzwa mumvuto yepanyika, yakanatswa kanomwe.

7 Imwi Jehovha, muchavarinda, muchavachengetedza pazera iri nekusingaperi.

8 Vakaipa vanofamba-famba pamativi ose, apo zvisina maturo zvichikudzwa pakati pevanakomana vevanhu.