ShonaTeam Psalms « 10 »

Kukumbira kuti vakaipa vaparadzwe

10Munomirirei kure, Jehovha? Munovandirei panguva dzedambudziko?

2 Wakaipa pakuzvikudza anoshusha murombo. Ngavabatwe mumazano avakafunga.

3 Nokuti wakaipa anozvirumbidza pazvishuvo zvemweya weupenyu wake, ndokuropafadza muchivi, anozvidza Jehovha.

4 Wakaipa, nekuzvikudza kwechiso chake, haabvunzi; hakuna Mwari mumirangariro yake yose.

5 Nzira dzake dzakasimba nenguva dzose; mitongo yenyu yakakwirira iri kure naye; vavengi vake vose anovafemerekera.

6 Anoti mumoyo make: Handingazungunuswi; nokuti pazera nezera handingavi padambudziko.

7 Muromo wake uzere kutuka nekunyengera neutsotsi; pasi perurimi rwake pane kutadza neuipi.

8 Anogara panzvimbo yekuvandira yemisha; panzvimbo dzakavanda anouraya asina mhosva; meso ake anotarisa murombo pachivande.

9 Anovandira pakavanda seshumba pagara rayo; anovanda kubata murombo; anobata murombo paanomukwevera mumumbure wake.

10 Anyangira, anokambaira, kuti varombo vawiswe nezvine simba zvake.

11 Anoti mumoyo make: Mwari wakanganwa; anovanza chiso chake; haangatongooni.

12 Simukai Jehovha; Mwari simudzai ruoko rwenyu; regai kukanganwa vanotambudzika.

13 Sei wakaipa achizvidza Mwari? Anoti mumoyo make: Haungabvunzi?

14 Maona; nokuti imwi munotarira kushingaira nedambudziko, kukuisa muruoko rwenyu; murombo anozvipa kwamuri; imwi muri mubatsiri wenherera.

15 Vhunai ruoko rwewakaipa; newakashata, tsvakai kuipa kwake, kusvika musingawani.

16 Jehovha ndiye mambo nekusingaperi-peri; vahedheni vakaparara kubva munyika yake.

17 Jehovha, makanzwa chishuvo chevanyoro; muchasimbisa moyo wavo, muchaita nzeve yenyu inzwe;

18 kutonga nherera neanomanikidzwa, kuti munhu wepanyika asachiendererazve mberi kuvhundusa.