ShonaTeam Psalms « 9 »

Dhavhidhi anovonga kurwirwa naJehovha

Kumutungamiriri wekuimba; neMuti-Rabheni. Pisarema raDhavhidhi.

9Ndichavonga Jehovha nemoyo wangu wose; ndicharondedzera zvishamiso zvenyu zvose.

2 Ndichafara nekupembera mamuri; ndichaimbira zita renyu rumbidzo, imwi Wekumusoro-soro.

3 Panodzokera vavengi vangu shure, vachawa, ndokuparara pamberi penyu.

4 Nokuti makaita kodzero yangu nenyaya yangu; makagara pachigaro cheushe, makatonga zvakarurama.

5 Makatsiura vahedheni; makaparadza wakaipa; zita ravo makadzima kusvika pakusingaperi narinhi.

6 Vavengi vakapera, kuparara kwava rinhi narinhi, uye makaparadza maguta; kurangarirwa kwavo kwaparara pamwe navo.

7 Asi Jehovha achagara kusvika pakusingaperi; chigaro chenyu cheushe wakachigadzirira mutongo.

8 Zvino iye achatonga nyika mukururama, anotonga vanhu muzvakarurama.

9 Uye Jehovha achava nhare yeanomanikidzwa, nhare panguva dzekutambudzika.

10 Zvino vanoziva zita renyu vachavimba nemwi; nokuti imwi Jehovha hamuna kusiya vanokutsvakai.

11 Imbirai Jehovha rumbidzo, iye agere paZiyoni; dudzirai zviito zvake pakati pendudzi.

12 Kana achitsvaka ropa, anovarangarira; haakanganwi kuchema kwevanotambudzika.

13 Ndinzwirei tsitsi, Jehovha; onai dambudziko rangu pane vanondivenga, imwi munondisimudza kubva pamasuwo erufu;

14 kuti ndirondedzere rumbidzo yenyu yose pamasuwo emukunda weZiyoni; ndichafara paruponeso rwenyu.

15 Vahedheni vakanyura mugomba ravakaita; rutsoka rwavo rwakabatwa mumumbure wavakavanza.

16 Jehovha wakazvizivisa; wakaita mutongo; wakaipa wakateyiwa pabasa remaoko ake. Higayoni. Sera.

17 Vakaipa vachadzokera kugehena, marudzi ose anokanganwa Mwari.

18 Nokuti mushaiwi haangakanganikwi rinhi narinhi, tariro yevarombo haiparari nekusingaperi.

19 Simukai Jehovha; munhu ngaarege kukunda; vahedheni ngavatongwe pamberi penyu.

20 Vavhundutsei, Jehovha; vahedheni ngavazive kuti vanongova vanhu. Sera.