ShonaTeam Psalms « 8 »

Kukudzwa kwemunhu naJehovha

Kumutungamiriri wekuimba; neGititi. Pisarema raDhavhidhi.

8Jehovha, Ishe wedu, rinobwinya sei zita renyu panyika yose! Imwi makaisa kubwinya kwenyu kumusoro kumatenga.

2 Pamiromo yevacheche nevanoyamwa makagadza simba nekuda kwevavengi venyu, kuti munyaradze muvengi nemutsivi.

3 Kana ndichicherekedza matenga enyu, basa reminwe yenyu, mwedzi nenyeredzi zvamakamisa:

4 Munhu chii zvamunomurangarira? Nemwanakomana wemunhu zvamunomushanyira?

5 Nokuti makamuita ave pasi zvishoma kuvatumwa, makamushongedza korona yeumambo nerukudzo.

6 Makamuita atonge pamusoro pemabasa emaoko enyu; zvose makaisa pasi petsoka dzake:

7 Makwai, nenzombe zvose, uyewo mhuka dzesango,

8 shiri dzematenga, nehove dzegungwa, dzinopfuura panzira dzemakungwa.

9 Jehovha, Ishe wedu, rinobwinya sei zita renyu panyika yose!