ShonaTeam Psalms « 7 »

Dhavhidhi anokumbira kuti Jehovha amururamisire

Shigayoni yaDhavhidhi yaakaimbira Jehovha pamashoko aKushi muBhenjamini.

7Jehovha Mwari wangu, ndinovimba nemwi; ndiponesei kune vose vanonditeverera, mundinunure.

2 Zvimwe abvambure mweya weupenyu wangu seshumba, abvamburanye pasina anonunura.

3 Jehovha Mwari wangu, kana ndakaita izvi; kana mune chakaipa mumaoko angu;

4 kana ndakatsiva chakaipa kune waiva nerugare neni (koga ndakapamba ari muvengi wangu pasina chikonzero):

5 Muvengi ngaateverere mweya weupenyu wangu, aubate; ngaatsikire-tsikire upenyu hwangu pasi; nerukudzo rwangu aise muguruva. Sera.

6 Mukai Jehovha, pakutsamwa kwenyu; zvisimudzei nekuda kwehasha dzevavengi vangu, uye mukai nekuda kwangu; makaraira mutongo.

7 Saizvozvo ungano yevendudzi ichakupoteredzai; uye dzokerai kumusoro pamusoro payo.

8 Jehovha anotonga ndudzi; nditongei, Jehovha, zvichienderana nekururama kwangu, uye zvichienderana neuchokwadi hwangu huri mandiri.

9 Haiwa, kuipa kwevakaipa ngakugume, asi simbisai wakarurama; nokuti anoedza moyo netsvo ndiMwari wakarurama.

10 Nhovo yangu iri kuna Mwari, muponesi wevakarurama pamoyo.

11 Mwari mutongi wakarurama, uye ndiMwari anotsamwa pamazuva ose.

12 Kana asingatendeuki, acharodza munondo wake; wakunga uta hwake, ndokuhugadzirira.

13 Wakamugadzirirawo nhumbi dzerufu; anoitira vatevereri vanopisa miseve yake.

14 Tarira, anorwadziwa nemimba yezvakaipa; uye wakava nemimba yezvakashata, ndokubereka nhema.

15 Wakavhukunyura gomba ndokurichera, ndokuwira muhunza yaakaita.

16 Kuipa kwake kuchadzoka pamusoro pemusoro wake, uye kumanikidza kwake kuchaburukira pamusoro panhongonya yake.

17 Ndichavonga Jehovha zvichienderana nekururama kwake; uye ndichaimba rumbidzo kuzita raJehovha Wekumusoro-soro.