ShonaTeam Psalms « 5 »

Dhavhidhi anokumbira kuti afambiswe zvakanaka pakati pevavengi vake

Kumutungamiriri wekuimba; nenehiroti. Pisarema raDhavhidhi.

5Ipai nzeve kumashoko angu, Jehovha, mucherekedze kuzvidya moyo kwangu.

2 Teererai kuinzwi rekuchema kwangu, mambo wangu naMwari wangu; nokuti kwamuri ndinonyengetera.

3 Muchanzwa inzwi rangu mangwanani, Jehovha; mangwanani ndichakurongedzerai munyengetero wangu, ndichirindira.

4 Nokuti hamusi Mwari anofara muzvakaipa; wakaipa haangagari nemwi.

5 Vanozvikudza havangazvimisi pamberi pemeso enyu; munovenga vose vaiti vezvakaipa.

6 Muchaparadza vanotaura nhema. Jehovha anosema munhu weropa neunyengeri.

7 Asi kana ndiri ini, ndichapinda muimba yenyu mukuwanda kwengoni dzenyu; ndichashumira ndakananga kutembere yenyu tsvene mukukutyai.

8 Nditungamirirei, Jehovha, mukururama kwenyu nekuda kwevavengi vangu; ruramisai nzira yenyu pamberi pangu.

9 Nokuti hapana uchokwadi pamuromo wavo; mukati mavo uipi; huro yavo iguva rakashama; vanobata kumeso nerurimi rwavo.

10 Revai kuti vane mhosva, Mwari. Ngavawe nemano avo; muvarase nekuda kweuwandu hwezvitadzo zvavo, nokuti vakakumukirai.

11 Asi ngavafare vose vanovimba nemwi; ngavadanidzire nguva dzose nemufaro, nokuti munovadzivirira; nevanoda zita renyu ngavafare mamuri.

12 Nokuti imwi Jehovha mucharopafadza wakarurama; muchamukomberedza nenyasha senhovo huru.