ShonaTeam Psalms « 4 »

Mufaro nerugare zviri kuna Jehovha

Kumutungamiriri wenziyo; nemitengeranwa; pisarema raDhavhidhi.

4Ndipindurei pakudana kwangu, Mwari wekururama kwangu; pakumanikidzwa makapa nzvimbo yakafaranuka kwandiri. Ivai nengoni kwandiri, mugonzwa munyengetero wangu.

2 Imwi vanakomana vevanhu, kusvika rinhi muchishandura rukudzo rwangu kuva chinyadzo, muchida zvisina maturo, muchitsvaka nhema? Sera.

3 Asi zivai kuti Jehovha wakazvitsaurira anotya Mwari; Jehovha anondinzwa pandinodana kwaari.

4 Dederai, murege kutadza; tauriranai nemoyo wenyu pamubhedha wenyu, uye muve vakanyarara. Sera.

5 Ipai zvibairo zvekururama, muvimbe naJehovha.

6 Vazhinji vanoti: Ndiani achatiratidza zvakanaka? Jehovha simudzirai pamusoro pedu chiedza chechiso chenyu.

7 Makaisa mufaro mumoyo mangu kupfuura nguva iyo zviyo zvavo newaini itsva yavo zvawanzwa.

8 Ndichazvambarara nerugare, ndibve ndabatwa nehope; nokuti imwi moga Jehovha munondigarisa mukuchengetedzeka.