ShonaTeam Psalms « 2 »

Kutonga kwemuzodzwa waJehovha

2Sei ndudzi dzichiita bope, nevanhu vachifunganya zvisina maturo?

2 Madzimambo enyika akazvimisa, nevatungamiriri vanoita rangano pamwe chete, kurwisa Jehovha nekurwisa muzodzwa wake, vachiti:

3 Ngatidambure zvisungo zvavo, uye tirase makashu avo kubva kwatiri.

4 Iye agere kumatenga achaseka; Ishe achavasveveredza.

5 Ipapo achataura kwavari mukutsamwa kwake, nekuvavhundusa nehasha dzake.

6 Zvakadaro ini ndakagadza mambo wangu pamusoro peZiyoni, gomo reutsvene hwangu.

7 Ndicharondedzera maererano nechimiso: Jehovha wakati kwandiri: Iwe uri mwanakomana wangu, nhasi ini ndakubereka.

8 Kumbira kwandiri, zvino ndichapa vechirudzi vave nhaka yako, nemigumo yenyika ive yako.

9 Muchavagura netsvimbo yesimbi; muchavapwanya sehari yemuumbi.

10 Naizvozvo ikozvino chenjerai, imwi madzimambo; murairike, imwi vatongi venyika.

11 Shumirai Jehovha nekutya, uye farai nekudedera.

12 Tsvodai mwanakomana, zvimwe angatsamwa, mugoparara panzira, kana hasha dzake dzopfuta hadzo zvishoma. Vakaropafadzwa vose vanovimba naye.