ShonaTeam Psalms « 1 »

Nzira yevakarurama nenzira yevasakarurama

1 Wakaropafadzwa munhu asingafambi pakurangana kwevakaipa, uye asingamiri panzira yevatadzi, uye asingagari pachigaro chevashoori.

2 Asi mufaro wake uri pamurau waJehovha, uye anofungisisa murau wake masikati neusiku.

3 Zvino achafanana nemuti wakasimwa pahova dzemvura, unopa muchero wawo panguva yawo, shizha rawo haringasvavi; nechose chaanoita chichabudirira.

4 Vakaipa havana kudaro, asi vakafanana nehundi mhepo yainopeperesa.

5 Naizvozvo vakaipa havangamiri pakutongwa, nevatadzi paungano yevakarurama.

6 Nokuti Jehovha anoziva nzira yevakarurama; asi nzira yevakaipa ichaparara.