ShonaTeam Job « 42

Jobho anozvininipisa

42Zvino Jobho wakapindura Jehovha ndokuti:

2 Ndinoziva kuti munogona zvose, uye hakuna zano ringadziviswa kwamuri.

3 Ndiani uyu anodzikatira zano asina zivo? Naizvozvo ndakataura zvandaiva ndisinganzwisisi, zvinhu zvinoshamisa zvikuru kwandiri, zvandaiva ndisingazivi.

4 Inzwai henyu, zvino ndichataura ini. Ndichakubvunzai, uye muchandizivisa.

5 Ndakakunzwai nekunzwa kwenzeve, asi ikozvino ziso rangu rinokuonai.

6 Naizvozvo ndinozvisema, uye ndinozvidemba muguruva nemumadota.

Jobho anodzoserwa mufaro wake wose

7 Zvino kwakati shure kwekutaura kwaJehovha mashoko awa kuna Jobho, kuti Jehovha wakati kuna Erifazi muTemani: Kutsamwa kwangu kunopfutira iwe neshamwari dzako mbiri, nokuti hamuna kutaura pamusoro pangu zvakarurama semuranda wangu Jobho.

8 Naizvozvo ikozvino zvitorerei nzombe diki nomwe nemakondohwe manomwe, mugoenda kumuranda wangu Jobho, mugozvipira chipo chinopiswa. Zvino muranda wangu Jobho achakunyengetererai; nokuti zvirokwazvo ndichagamuchira chiso chake, zvimwe ndikubatei seupenzi hwenyu; nokuti hamuna kutaura pamusoro pangu zvakarurama semuranda wangu Jobho.

9 Zvino Erifazi muTemani naBhiridhadhi muShuhi naZofari muNaama vakaenda vakaita sekureva kwaJehovha kwavari. Jehovha ndokugamuchira chiso chaJobho.

10 Zvino Jehovha wakashandura utapwa hwaJobho paaiva anyengeterera shamwari dzake; Jehovha ndokuwedzera zvose Jobho zvaaiva nazvo kakapetwa kaviri.

11 Ipapo kwakauya kwaari vanin'ina vake vose, nehanzvadzi dzake dzose, nevose vaimbova vazikanwi vake, ndokudya chingwa naye mumba make, ndokuchema naye ndokumunyaradza pachakaipa chose Jehovha chaaiva auisa pamusoro pake; vakamupa umwe neumwe chidimbu chemari, uye umwe neumwe chindori chegoridhe.

12 Zvino Jehovha wakaropafadza mugumo waJobho kupfuura kutanga kwake, nokuti waiva nemakwai zvuru gumi nezvina, nemakamera zvuru zvitanhatu, nechuru chezvipani zvenzombe nemakadzi embongoro churu.

13 Wakazovawo nevanakomana vanomwe nevanasikana vatatu.

14 Zvino wakatumidza zita rewekutanga kuti Jemima, nezita rewechipiri Keziya, uye zita rewechitatu Kereni-Hapuki.

15 Zvino panyika yose hapana kuwanikwa vakadzi vakanaka sevanasikana vaJobho; baba vavo ndokuvapa nhaka pakati pehanzvadzi dzavo.

16 Shure kweizvi Jobho wakararama makore zana nemakumi mana, ndokuona vanakomana vake, nevanakomana vevanakomana vake, mazera mana.

17 Zvino Jobho wakafa, akwegura, azara nemazuva.