ShonaTeam Job « 41 »

41Ungakweva Revhiyatani* nechiredzo here, kana kunyudza rurimi rwayo nerwonzi?

2 Ungaisa rutsanga mumhino yayo here, kana kuboora rushaya rwayo nemunzwa?

3 Ingakunyengetedza kakawanda here? Inotaura zvakanyorova kwauri here?

4 Ingaita sungano newe here? Uchaitora ive muranda rinhi narinhi here?

5 Ungatamba nayo seshiri here? Kana ungaisungira vanasikana vako here?

6 Vatengi vangatengeserana nayo here? Vangaigoverana here pakati pevatengesi?

7 Ungazadza ganda rayo nemiseve ine nzeve here, kana musoro wayo nepfumo rehove?

8 Isa pairi ruoko rwako; rangarira hondo; usapamhidza.

9 Tarira, tariro yake ichava manyepo. Naiyo ichakandirwa pasi here pakuiona?

10 Hakuna anotyisa kuti angaimutsa. Zvino ndiani angazvimisa pamberi pangu?

11 Ndiani angauya pamberi pangu kuti ndiripe? Chiri pasi pematenga ose ndechangu.

12 Handinganyarari pamusoro pemitezo yayo, kana nyaya yesimba rayo, kana kunaka kwechimiro chayo.

13 Ndiani angaratidza chiso chenguvo yayo? Ndiani angauya nematomu ake akapetwa kaviri?

14 Ndiani angazarura masuwo echiso chayo? Mazino ayo anotyisa mativi ose.

15 Makwande ayo ane kuzvikudza, akavharirwa nemucherechedzo wakasimbiswa.

16 Rimwe riri pedo nerimwe, kuti pasava nemhepo inopinda pakati pawo.

17 Akabatana anonamatirana kuti asaparadzaniswa.

18 Kuhotsira kwayo kunopenya chiedza; uye meso ayo akaita sezvifunhiro zvemeso zvemangwanani.

19 Mumuromo mayo munobuda mazhenje; ubaribari hwemoto hunosvatika.

20 Mumhino dzayo munobuda utsi, sehari inopfungaira nenhokwe.

21 Mweya wayo unopfutidza mazimbe, uye murazvo unobuda mumuromo mayo.

22 Mumutsipa mayo munogara simba, uye mberi kwayo kunopembera kusuruvara.

23 Nhindi dzenyama yayo dzakabatana, dzakasimba pairi, hadzizununguswi.

24 Moyo wayo wakasimba sebwe; zvirokwazvo, wakaoma seguyo repasi.

25 Pakumuka kwayo vane simba vanotya; nekuda kwekuvhunika vanozvichenura.

26 Panosvikira pairi munondo haungamiri, pfumo, museve, kana pfumo guru.

27 Inotora matare semajanga, ndarira sedanda rakaora.

28 Museve haungaitizisi; mabwe echifuramabwe anoshandurwa nayo kuva makoto.

29 Tsvimbo inoverengwa semakoto; uye inoseka pakuunga kwepfumo.

30 Pasi payo pane zvaenga zvinopinza; anowaridza zvinhu zvinopinza mumatope.

31 Inovirisa udziku huve sehari; inoitisa gungwa rive sehari yemafuta.

32 Inopenyesa nzira shure kwayo; udziku hunganzi ivhudzi rakachena.

33 Panyika hapana chakafanana nayo, yakaitiwa kuti isava nekutya.

34 Inotarisa chose chakakwirira; ndimambo pamusoro pevose vana vekuzvikudza.