ShonaTeam Job « 40 »

Mhinduro yaJobho

40Zvino Jehovha wakapindura Jobho ndokuti:

2 Anopikisana neWemasimbaose angamuraira here? Anoshoora Mwari ngaapindure.

3 Zvino Jobho wakapindura Jehovha ndokuti:

4 Tarirai, ndakaderera; ndingakupindurai chii? Ruoko rwangu ndaisa pamuromo wangu.

5 Ndakataura kamwe, asi handingapinduri; hongu kaviri, asi handingaendereri mberi.

6 Zvino Jehovha wakapindura Jobho kubva muchamupupuri ndokuti:

7 Sunga chiuno chako ikozvino semurume; ndichakubvunza, zvino uchandizivisa.

8 Uchaparadza mutongo wangu here? Ungandirasa kuti uve wakarurama here?

9 Uye une ruoko saMwari here? Kana ungatinhira nenzwi here saiye?

10 Ikozvino zvishongedze neukuru nerukudzo; uye uzvipfekedze neruremekedzo nekubwinya.

11 Paradzira hasha dzekutsamwa kwako, ugotarisa wose anozvikudza, ugomuninipisa.

12 Tarira wose anozvikudza, umuderedze. Zvino tsikira pasi vakaipa panzvimbo yavo.

13 Uvavige pamwe chete paguruva; sunga zviso zvavo pakavanda.

14 Zvino ipapo ndichareurura kwauri, kuti ruoko rwako rwerudyi rungakuponesa.

15 Tarira hako mvuu, yandakaita pamwe newe; inodya uswa senzombe.

16 Tarira hako, simba rayo riri muchiuno chayo; uye kugwinya kwayo kuri pamakakava edumbu rayo.

17 Inotsvikidza muswe wayo semusidhari; marunda ezvidya zvayo akarukwa-rukwa.

18 Mapfupa ayo ipombi dzendarira; mbabvu dzayo dzakaita semazariro ematare.

19 Ndiyo yekutanga yenzira dzaMwari; muiti wayo anoswededza munondo wayo.

20 Nokuti makomo anoivigira zvekudya, panotamba mhuka dzose dzesango.

21 Inorara pasi pemiti yemirotusi, pakavanda petsanga nepaguvi.

22 Miti yemirotusi inoifukidza nemumvuri wayo; mikonachando yerukova inoipoteredza.

23 Tarira, rwizi rwunomanikidza, haikurumidzi; ine chivimbo kunyange Joridhani rwuchibudira kumuromo wayo.

24Pane angaibata here nemeso ayo? Angaibaya mhino nemusungo?