ShonaTeam Job « 39 »

39Unoziva here nguva yekubereka kwembudzi-ruwere? Unocherekedza here kubereka kwenondo?

2 Ungaverenga mwedzi yadzinozadzisa here? Uye unoziva nguva yekubereka kwadzo here?

3 Dzinokotama, dzinobereka vana vadzo, dzinorasira ushungu hwadzo.

4 Vana vadzo vanosimba, vanokurira musango; vanobva ndokuenda, ndokusadzoka kwadziri.

5 Ndiani wakabudisa mbongorosvatu yesango yakasununguka? Uye ndiani wakasunungura zvisungo zvembongorondoga yesango?

6 Imba yayo yandakaita renje, nenzvimbo dzayo dzekugara dzive chimunyu.

7 Anoseka ruzha rweguta; haanzwi kudanidzira kwemuchairi.

8 Gwara remakomo ndiwo mafuro ayo; uye inotsvaka ichitevera shizha dema rimwe nerimwe.

9 Nyati inotenda kukushandira here? Kana ingarara pachidyiro chako chezvipfuwo here?

10 Ungasunga nyati negashu rayo mumuhoronga here? Kana ingaputsa mavhinga shure kwako here?

11 Ungavimba nayo here nokuti simba rayo iguru? Ungairegera basa rako here?

12 Ungavimba nayo kuti ichauisa mbeu yako nekuunganidza paburiro rako here?

13 Mapapiro emhou anobhururukira nemufaro, asi angava mapapiro nemambava eshuramurove here?

14 Nokuti inosiya mazai ayo pavhu, nekuadziisa muguruva.

15 Zvino inokanganwa kuti tsoka ingaapwanya, uye chikara chesango chingaatsika.

16 Inobata zvakaoma manyana ayo sezvinonzi haasi ayo; kushingaira kwayo kunoshaya maturo pasina kutya.

17 Nokuti Mwari wakaitorera uchenjeri, uye haana kuigovera mukunzwisisa.

18 Kana yava nguva inozvisimudzira pamusoro; inoseka bhiza nemutasvi waro.

19 Unopa bhiza simba here? Wakapfekedza here mutsipa waro nezenze rinopepereka?

20 Ungariita rikwakuke semhashu here? Ukuru hwekupfeza kwaro hunotyisa.

21 Rinoteta pasi mumupata, ndokufara musimba; rinobuda kuchingamidza zvombo.

22 Rinoseka kutya, uye harityityidzirwi, uye haridzoki pamberi pemunondo.

23 Goba rinoriririra, pfumo rinopenya uye bakatwa.

24 Rinomedza pasi nekudedera nehasha; uye haritendi kuti iinzwi rehwamanda.

25Pakurira koga-koga kwehwamanda rinoti: Hekani! Uye rinofembedza hondo iri kure, mutinhiro wemachinda nekudanidzira.

26 Ruvangu rwunobhururuka neuchenjeri hwarwo here, rwuchitambanudzira mapapiro arwo kuchamhembe?

27 Gondo rinokwira nekuraira kwako uye kuti rinoita pakakwirira dendere raro here?

28 Rinogara nekurara padombo; panhongonya yedombo nenhare.

29 Rinobva ipapo richitsvaka zvekudya; meso aro anoona ari kure.

30 Manyana arowo anosveta ropa; uye pane vakaurawa riripo.