ShonaTeam Job « 38 »

Mwari anopindura Jobho

38Zvino Jehovha wakapindura Jobho kubva muchamupupuri, ndokuti:

2 Ndiani uyu anosvibisa zano nemashoko asina ruzivo?

3 Sunga hako chiuno chako semurume, uye ndichakubvunza, uye undiite ndizive.

4 Waiva uripi ndichidzika nheyo dzenyika? Tsanangura, kana uchiziva kunzwisisa.

5 Ndiani wakaisa zviyero zvayo, kana uchiziva? Kana ndiani wakatandavadza rwodzi rwekuyera pamusoro payo?

6 Nheyo dzayo dzakateyiwa pamusoro pei? Kana ndiani wakaisa ibwe rayo repakona?

7 Nyeredzi dzemangwanani padzakaimba pamwe chete, nevanakomana vose vaMwari vakadanidzira nemufaro?

8 Kana ndiani wakadzivira gungwa nemagonhi, pakupaza kwaro kubuda muchizvaro?

9 Pandakaita gore rive nguvo yaro, uye rima guru rive butiro raro?

10 Zvino ndakaritarira chimiso changu, ndokumisa zariro nemagonhi,

11 ndikati: Uchasvika kusvika pano, asi haungapfuuri; uye pano kuzvikudza kwemafungu ako kuchamiswa.

12 Wakaraira mangwanani kubva pamazuva ako here? Ukazivisa mambakwedza nzvimbo yawo here?

13 Kuti abate migumo yenyika, kuti vakaipa vazuzwe kubva maari?

14 Zvinoshanduka sevhu rechidhindo, uye zvinozvimisa senguvo.

15 Nekubva pavakaipa chiedza chavo chinonyimwa, uye ruoko rwakasimudzwa rwunovhuniwa.

16 Wakapinda muzvitubu zvegungwa here? Kana wakafamba-famba pakutsvaka udzamu here?

17 Masuwo erufu akakuzarurirwa here? Kana wakaona masuwo emumvuri werufu?

18 Wakanzwisisa here kusvika paupamhi hwenyika? Tsanangura kana uchizviziva zvose.

19 Nzira iripi yekunogara chiedza? Nerima, iripi nzvimbo yaro?

20 Kuti uzviise pamuganhu wako, uye kuti unzwisise nzira dzemusha wako.

21 Unoziva, nokuti ipapo waiva wazvarwa, uye uwandu hwemazuva ako ukuru.

22 Wakapinda padura refuma remagada echando here, uye ukaona dura refuma rechimvuramabwe?

23 Zvandakachengetedza kusvika panguva yekutambudzika, kusvika pazuva rekurwa nehondo.

24 Iripi nzira panogovewa chiedza, mhepo yekumabvazuva painopararira panyika?

25 Ndiani wakaparadzanisira mugero weboporodzi remvura, kana nzira yemheni yemutinhiro?

26 Kuti inaise mvura panyika isina munhu, renje risina munhu mariri;

27 kugutsa gwenga nerenje, nekutungisa bumhudza?

28 Mvura yekunaya ina baba here? Kana ndiani wakabereka madonhwe edova?

29 Dombo rechando rakabuda muchizvaro chaani? Nechando chakachena chekumatenga ndiani akachibereka?

30 Mvura yakavanzika sedombo, uye chiso cheudziku hwakagwamba.

31 Ungasunga here sumbu reChirimirira, kana kusunungura zvisungo zveOrionhi?

32 Ungabudisa Mazaroti panguva yawo here? Kana ungaruramisisa Arikituro nevanakomana vayo here?

33 Unoziva here zvimiso zvematenga, kana ungamisa umambo hwazvo panyika here?

34 Ungasimudzira inzwi rako kumakore here, kuwanda kwemvura ndokukufukidza?

35 Ungatuma mheni here kuti dziende, dzigoti kwauri: Tarisa tiri pano?

36 Ndiani wakaisa uchenjeri mune zvemukati? Kana ndiani wakapa kunzwisisa kupfungwa?

37 Ndiani angaverenga makore muuchenjeri? Kana ndiani angagarisa hombodo dzekumatenga?

38 Guruva parinosimba kuva gada, nemavhinga achinamatirana?

39 Ungavhimira shumbakadzi chijimbiwa here, nekugutsa madongodongo evana veshumba?

40 Padzinotsivama mumagara, nekugara pakavanda kuvandira.

41 Ndiani anogadzirira gunguvo zvekudya zvaro, manyana aro paanochemera kuna Mwari, achidzungaira nokuti hapana zvekudya.