ShonaTeam Job « 37 »

Mwari anoonekwa pamabasa ake makuru sepakutinhira nemheni

37Uye nekuda kweizvi moyo wangu unobvunda uye unouruka kubva panzvimbo yawo.

2 Inzwa zvekunzwa mutinhiro weinzwi rake, hongu ruzha rwunobva mumuromo make rwunobuda.

3 Anousunungura pasi pematenga ose, nechiedza chake pamusoro pemigumo yenyika.

4 Shure kweizvi kunoomba inzwi; anotinhira neinzwi reukuru hwake; uye haazvidzivisi panonzwikwa inzwi rake.

5 Mwari anotinhira nenzwi rake zvinoshamisa kwazvo; anoita zvinhu zvikuru zvatisinganzwisisi.

6 Nokuti anoti kumagada echando: Chivai panyika; saizvozvo kumvura yekupfunha, uye kumvura huru yekupfunha yesimba rake.

7 Anonamatidza ruoko rwemunhu umwe neumwe, kuti vazive vanhu vose vebasa rake.

8 Zvino mhuka dzinopinda mumagara ndokurambira mumapako adzo.

9 Dutu remhepo rinobuda pakamuri, nechando kumhepo dzekumaodzanyemba.

10 Chando chakachena chinopiwa nemweya waMwari, uye mvura mhamhi inogwamba.

11 Hongu, neunyoro anozadza gore; anoparadzira gore nekupenya kwake.

12 Uye iro rinotenderera kupotedza nekururamisa kwake, kuti zviite zvose zvaanozviraira pamusoro pechiso chevhu repanyika.

13 Anozvisvikisa kana neshamhu, kana nenyika yake, kana netsitsi.

14 Teerera kune izvi, Jobho; mira, ugorangarira mabasa anoshamisa aMwari.

15 Unoziva here kuti Mwari anoagadzira rinhi, apenyese chiedza chegore rake?

16 Unoziva here kuremberedzwa kwemakore, zvishamiso zvewakaperera paruzivo?

17 Kuti nguvo dzako dzinodziya sei, pakunyaradza kwenyika nemhepo yekuchamhembe?

18 Wakaradanura here gore pamwe naye, asimbe sechionioni chakaumbwa nekunyungudusa?

19 Tidzidzise zvatichareva kwaari; hatingagadziri chinhu nekuda kwerima.

20 Zvingatsanangurwa kwaari here kuti ndinotaura? Kana munhu akataura, zvirokwazvo achamedzwa.

21 Zvino ikozvino havaoni chiedza chinopenya chiri mumakore, mhepo painopfuura inoachenesa.

22 Goridhe rinobva kuchamhembe. Kuna Mwari kune umambo hunotyisa.

23 Wemasimbaose hatimuwani; mukuru pasimba nepamutongo; uye mukuru pakururama; haamanikidzi.

24 Naizvozvo vanhu vanomutya; haatarisi vakachenjera pamoyo.