ShonaTeam Job « 34 »

Erihu anotsigira kururama kwaMwari

34Zvino Erihu wakapindura ndokuti:

2 Inzwai mashoko angu, imwi vakachenjera; uye mupe nzeve kwandiri, imwi vazivi.

3 Nokuti nzeve inoidza mashoko, mukanwa sezvaunoravira zvekudya.

4 Ngatizvisarudzire mutongo; ngatizive pakati pedu kuti chii chakanaka.

5 Nokuti Jobho wakati: Ndakarurama, asi Mwari wakabvisa mutongo wangu.

6 Ndinganyepa ndichipikisa kodzero yangu; museve wangu haurapiki, pasina chitadzo.

7 Ndeupi murume wakafanana naJobho anonwa kushorwa semvura?

8 Anofambidzana nechaunga nevabati vezvakaipa, nekufamba nevanhu vakashata.

9 Nokuti wakati: Hazvibatsiri murume kana achifarira Mwari.

10 Naizvozvo teererai kwandiri, vanhu vane pfungwa: Mwari ngaave kure nechakaipa, neWemasimbaose kubva pachitadzo.

11 Nokuti basa remunhu acharidzosera kwaari, nekuwanisa umwe neumwe zvinoenderana nenzira yake.

12 Hongu zvirokwazvo, Mwari haaiti chakaipa, uye Wemasimbaose haaminamisi mutongo.

13 Ndiani wakamugadza pamusoro penyika? Uye ndiani wakamisa nyika yose?

14 Kana akaisa moyo wake pamusoro pake, anozviunganidzira mweya wake nekufema kwake.

15 Nyama yose inopera pamwe chete, uye munhu achadzokera kuguruva.

16 Kana pane kunzwisisa, inzwa izvi, upe nzeve kuinzwi remashoko angu.

17 Kuti anovenga mutongo angatonga here? Uye uchapa mhosva wakarurama kwazvo here?

18 Angareva here kuna mambo kuti: Bheriari; kumachinda: Muipi?

19 Asina kugamuchira chiso chemachinda, uye asina kutarisa mufumi kupfuura murombo. Nokuti vose ibasa remaoko ake.

20 Vanofa nechinguvana, uye vanhu vachadzungaidzwa pakati peusiku, nekupfuura; nevane simba vachatorwa pasina ruoko.

21 Nokuti meso ake ari pamusoro penzira dzemunhu, anoona matsimba ake ose.

22 Hapana rima kana mumvuri werufu, vaiti vezvakaipa pavangavanda.

23 Nokuti haangarambi achirangarira munhu, kuti aende kuna Mwari pamutongo.

24 Achaputsanya vane simba zvisingatsvakwi, agogadza vamwe panzvimbo yavo.

25 Naizvozvo anoziva mabasa avo, uye anovapidigura usiku, vapwanyiwe.

26 Anovarova pakati peavo vakaipa panzvimbo yevavokeri.

27 Nekuda kwekuti vakatsauka pakumutevera, uye havana kuva nehanya neimwe yenzira dzake.

28 Kuti vasvitse kuchema kwemurombo kwaari. Zvino akanzwa kuchema kwevanotambudzwa.

29 Kana iye akapa runyararo, ndiyani angaita zvakaipa? Paanoviga chiso, ndiani zvino angamuona? Pangava parudzi kana pamunhu mumwechete.

30 Kuti munyepedzeri asatonga, kuti kusava nemisungo kuvanhu.

31 Zvirokwazvo umwe wakati kuna Mwari: Ndatakura murango, handingatadzi.

32 Zvandisingaoni ndidzidzisei imwi; kana ndakaita chakaipa, handichaitizve.

33 Achatsiva here sekuda kwako, nokuti unoramba? Kana kuti iwe unosarudza, uye handisi ini? Zvino taura zvaunoziva.

34 Vanhu vane kunzwisisa vachataura kwandiri, nemurume wakachenjera achanditeerera:

35 Jobho anotaura pasina ruzivo, nemashoko ake haana uchenjeri.

36 Dai Jobho aiedzwa kusvika pakupedzisira, nekuda kwemhinduro dzake pavanhu vakaipa.

37 Nokuti anowedzera upanduki pachivi chake, achiombera pakati pedu, achiwedzera mashoko ake achirwisa Mwari.