ShonaTeam Job « 32 »

Mashoko aErihu

32Zvino varume ava vatatu vakaguma kupindura Jobho, nokuti waiva akarurama pameso pake.

2 Zvino dzakapfuta hasha dzaErihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi, werudzi rwaRami; hasha dzake ndokupfutira Jobho nokuti waizviti mweya weupenyu wakarurama kupfuura Mwari.

3 Uye hasha dzake dzakapfutira shamwari dzake nhatu, nokuti vaiva vashaiwa mhinduro, zvakadaro vakapa Jobho mhosva.

4 Zvino Erihu waiva akamirira Jobho pamashoko, nokuti vaiva vakuru kwaari pamazuva.

5 Erihu paakaona kuti hapana mhinduro pamuromo wevarume ava vatatu, hasha dzake ndokupfuta.

6 Zvino Erihu mwanakomana waBharakeri muBhuzi wakapindura ndokuti: Ndiri mudiki pamazuva asi imwi muri vakuru; saka ndakazvidzora ndikatya kukuzivisai pfungwa yangu.

7 Ndakati: Mazuva ngaataure, neuwandu hwemakore hudzidzise uchenjeri.

8 Zvirokwazvo mweya urimo mumunhu, nekufema kweWemasimbaose kunovapa kunzwisisa.

9 Havazi vakuru vakachenjera, kana vatana vanonzwisisa mutongo.

10 Naizvozvo ndakati: Teererai kwandiri; neniwo ndicharatidza pfungwa yangu.

11 Tarirai, ndakamirira mashoko enyu; ndakapa nzeve kukunzwisisa kwenyu, pamaitsvaka mashoko.

12 Zvirokwazvo ndakateerera kwamuri, zvino tarirai, hakuna pakati penyu wakapwisa Jobho, wakapindura mashoko ake.

13 Zvimwe mungati: Tawana uchenjeri, ndiMwari achamudzinga, kwete munhu.

14 Asi haana kundirongedzera mashoko, uye nemashoko enyu handingamupinduri.

15 Vakashamiswa, havachapinduri; vakabvisa manzwi kwavari.

16 Zvino ndakamirira, asi havana kutaura, nokuti vakamira, havana kuzopindura.

17 Neni ndichapindura chikamu changu, neni ndicharatidza pfungwa yangu.

18 Nokuti ndizere nemashoko; mweya wedumbu rangu unondishungurudza.

19 Tarirai, dumbu rangu rakaita sewaini isina kuvhurwa, sehombodo itsva richaparuka.

20 Ndichataura, kuti ndiremudzwe; ndichashamisa miromo yangu ndigopindura.

21 Ndirege hangu kugamuchira chiso chemunhu, uye handipi zita kumunhu.

22 Nokuti handizivi kupa mazita; muiti wangu anondibvisa nekukurumidza.