ShonaTeam Job « 31 »

Jobho anofunga kuti haana mhosva

31Ndakaita sungano nemeso angu; zvino ndingatarira musikana sei?

2 Nokuti mugove waMwari unobva kwakakwirira chii, nenhaka yeWemasimbaose inobva kunzvimbo dzekumusoro?

3 Mharadzo haisi yewakaipa here, nenjodzi kuvaiti vezvakaipa?

4 Iye haaoni nzira dzangu here, nekuverenga nhambwe dzangu dzose?

5 Kana ndichifamba nezvisina maturo, kana dai rutsoka rwangu rwamhanyira zvinonyengera.

6 Ngandiyerwe pachiyero chakarurama, kuti Mwari azive uchokwadi hwangu.

7 Kana tsimba rangu ratsauka kubva munzira, nemoyo wangu watevera meso angu, kana dai pane gwapa rakanamatira pamaoko angu.

8 Ngandidzvare, asi umwe adye, hongu zvibereko zvangu ngazvidzurwe.

9 Kana moyo wangu wanyengerwa nemunhukadzi, kana ndavandira pamukova wemuvakidzani wangu,

10 mukadzi wangu ngaakuyire umwe, nevamwe ngavakotame pamusoro pake.

11 Nokuti icho chinhu chakashata kwazvo, zvirokwazvo, ndechakaipa pavatongi.

12 Nokuti ndiwo moto unopedza kusvika pakuparadza, uye pazvibereko zvangu zvose unodzura.

13 Kana ndakazvidza nyaya yemuranda wangu kana yemurandakadzi wangu, pavakapikisana neni.

14 Zvino ndichaitei Mwari paanosimuka? Nepaanoshanya, ndichamupindura chii?

15 Wakandiita mudumbu haasi iye wakamuita here? Hongu, umwe chete wakatiumba mudumbu.

16 Kana ndakarega murombo pachishuwo, kana kunetesa meso echirikadzi.

17 Kana ndakadya chimedu changu ndiri ndoga, uye nherera isina kudya pachiri.

18 Nokuti kubva paudiki hwangu yakakurira kwandiri sababa, uye ndakamutungamirira kubva pachizvaro chamai vangu.

19 Kana ndakaona oparara nekushaiwa chipfeko, kana murombo asina chifukidzo;

20 kana chiuno chake chisina kundirumbidza nokuti wakadziiswa nemvere dzemakwai angu;

21 kana ndakasimudzira ruoko rwangu nherera, pandakaona rubatsiro rwangu pasuwo;

22 fudzi rangu ngariwe pabendekete rangu, neruoko rwangu rwuvhunike kubva papfupa.

23 Nokuti mharadzo yaMwari chityiso kwandiri, uye nekuda kweukuru hwake handigoni.

24 Kana ndakaita goridhe tariro yangu, kana ndakati kugoridhe rakanatswa: Chivimbo changu.

25 Kana ndakafara nokuti fuma yangu yakawanda, uye nokuti ruoko rwangu rwakawana zvizhinji.

26 Kana ndakatarisa zuva parinobwinya, kana mwedzi uchifamba pakuchena,

27 nemoyo wangu wakakwezvewa pachivande, kana ruoko rwangu rwakatsvoda muromo wangu;

28 ichiwo chitadzo pamutongi, nokuti ndinenge ndaramba Mwari ari kumusoro.

29 Kana ndakafara pakuparadzwa kweanondivenga, kana ndakapemberera chakaipa pachakamuwana.

30 Uye ndisina kutendera muromo wangu kutadza nekukumbira mweya weupenyu wake nechakatukwa.

31 Kana vanhu vetende rangu vasina kureva vachiti: Dai paiva neumwe asina kugutswa nenyama yake.

32 Mweni haana kurara usiku panzira yemumusha; ndakazarurira mikova yangu kumufambi.

33 Dai ndakafukidza chitadzo changu saAdhamu, nekuviga kuipa kwangu muchipfuva changu.

34 Nokuti ndakatya chaunga chikuru, nekushovorwa neverudzi kwakandityisa, naizvozvo ndakanyarara, handina kubuda pamukova.

35 Haiwa, dai ndaiva neanondinzwa! Tarirai, mucherechedzo wangu. Dai Wemasimbaose andipindura; uye kuti mupikisi wangu dai anyora rugwaro!

36 Zvirokwazvo, ndairwutakura pafudzi rangu; ndairwusunga rwukava korona kwandiri.

37 Ndaimududzira uwandu hwenhambwe dzangu; semuchinda ndaiswedera kwaari.

38 Kana ivhu rangu richindichemera, kana mihoronga yaro pamwe chete ichichema;

39 kana ndakadya simba raro pasina mari, kana ndakaita mweya weupenyu wevaridzi varo upere;

40 utumbambeva ngahumere pachinzvimbo chegorosi, nesora rinonhuhwa pachinzvimbo chebhari. Mashoko aJobho apera.