ShonaTeam Job « 30 »

Jobho anochema nekutambudzika kwake kukuru

30Zvino ikozvino vadiki kwandiri pamazuva vanondiseka, ivo madzibaba avo andaishora kuvaisa pamwe nembwa dzeboka rangu.

2 Ko, simba remaoko avo ringava kwandiri here? Kuibva kwapera mavari.

3 Nekushaiwa uye nenzara vakaonda; avo vanotetena nzvimbo yakaoma, munguva dzapfuura raiva renje negwenga.

4 Vanotanha mirivo inovava pamakwenzi; nemidzi yemuti wemurara iri zvekudya zvavo.

5 Vanodzingwa kubva pakati pevanhu; vanovasveverera sembavha;

6 kuti vagare pamawere emipata, makomba evhu, nemabwe.

7 Vanodanidzira pakati pemakwenzi; vanoungana pasi perukato.

8 Vana vezvituta, hongu, vana vasina zita; vakarohwa kubva panyika.

9 Zvino ikozvino ndava rumbo rwavo, hongu, ndava shumo kwavari.

10 Vanondisema, vanomira kure neni, uye pachiso changu havana kurega kupfira.

11 Nokuti wakasunungura rukungiso rwangu ndokundimanikidza; naizvozvo vakarasa tomu pamberi pangu.

12 Kurudyi vadiki vakaipa vanosimuka, vanosunda tsoka dzangu, uye vanondimutsira nzira dzavo dzekuparadza.

13 Vanokoromora nzira yangu; vanofambisira mberi kuparadzwa kwangu; havana mubatsiri.

14 Vanouya sevanopoya pakakoromoka pakafara; vanozvikungurutsa pakati pepakaparara.

15 Zvityiso zvinondishandukira; vanodzingana nerukudzo rwangu semhepo, nekugarika kwangu kunopfuura segore.

16 Zvino ikozvino mweya weupenyu wangu unozvidururira mandiri; mazuva emarwadzo andibata.

17 Pausiku mapfupa angu anobaiwa mandiri, uye zvinonditetena hazvizorori.

18 Nesimba guru nguvo yangu yashandurwa; rinondisunga semuromo wenguvo yangu refu.

19 Wakandikanda mumatope, uye ndava seguruva nedota.

20 Ndinochema kwamuri, asi hamundipinduri; ndinosimuka, asi munongonditarisa.

21 Mashanduka mukava neutsinye kwandiri; nesimba reruoko rwenyu mune daka neni.

22 Munondisimudzira mumhepo, munonditasvisa iyo; nekundinyungudusa mudutu remhepo.

23 Nokuti ndinoziva kuti muchandidzosera kurufu, nekuimba yakatarirwa vapenyu vose.

24 Asi munhu haangatandavadziri ruoko kuguva, kana pakuparadzwa kwake achemere rubatsiro?

25 Handina kuchemera misodzi waiva nemazuva akaoma? Mweya weupenyu wangu hauna kurwadzirwa waishaiwa here?

26 Pandakatarisira chakanaka, ipapo kwakauya chakaipa; uye ndakatarisira chiedza, asi rima ndokuuya.

27 Ura hwangu hunovira, uye hahuzorori; mazuva emarwadzo anditungamirira.

28 Ndakafamba ndichichema kusina zuva; ndakasimuka paungano, ndakachemera rubatsiro.

29 Ndava hama kumabukanana, neshamwari yemazizi.

30 Ganda rangu rakasviba pamusoro pangu, nepfupa rangu rakatsva nekupisa.

31 Uye mbira yangu yava mariro, nenyere yangu inzwi revanochema misodzi.