ShonaTeam Job « 28 »

Njere ndedzaMwari oga

28Zvirokwazvo pane mugodhi wesirivha, nenzvimbo yegoridhe pavanonatsa.

2 Simbi inotorwa muvhu, nendarira inonyunguduswa pabwe.

3 Anotarira rima mugumo, uye anotsvakisisa kusvika pakuperera kose, mabwe erima nemumvuri werufu.

4 Anopamura mugodhi kure nepanogara vanhu, vanokanganikwa nerutsoka; vanorembera vachizeya uku nekuku kure nevanhu.

5 Nyika, mairi munobuda zvekudya, uye pasi payo pashanduka kuita semoto.

6 Mabwe ayo inzvimbo yesafuri, uye ine guruva regoridhe.

7 Nzira gondo raisingazivi, neziso rerukodzi harina kuiona.

8 Imbwanana dzinozvikudza hadzina kuitsika; shumba inotyisa haina kupfuura nepo.

9 Anotandavadzira ruoko rwake pabwe rakaoma, anopidigura makomo nemidzi yawo.

10 Anopamura migero pamabwe; neziso rake rinoona chose chinokosha.

11 Anosunga nzizi dzirege kuvhinza; nezvakavanzika anobudisira pachiedza.

12 Asi uchenjeri huchawanikwa huchibvepi? Nenzvimbo yekunzwisisa iripi?

13 Munhu haazivi urongwa hwaho; uye hahuwanikwi panyika yevapenyu.

14 Udziku hunoti: Hahwusi mandiri; negungwa rinoti: Hahwusi pamwe neni.

15 Goridhe haringapiwi pachinzvimbo chaho, uye sirivha haingayerwi kuva mutengo waho.

16 Hahungaenzaniswi negoridhe reOfiri, neonikisi inokosha nesafiri.

17 Goridhe negirazi hazvingaenzani nahwo; uye hahungatsinhaniswi nemudziyo wegoridhe rakanatswa.

18 Korari nekiristari hazvingarangarirwi, nokuti mutengo weuchenjeri uri pamusoro pemabwe anokosha.

19 Topazi yeItiyopiya haingaenzani nahwo; haungaenzaniswi negoridhe rakanatswa.

20 Zvino uchenjeri hwunobvepi? Nenzvimbo yekunzwisisa iripi?

21 Zvahwakavanzwa kubva pameso evapenyu vose, nekuvigwa kushiri dzekumatenga.

22 Kuparadza nerufu zvakati: Takanzwa nenzeve dzedu mukurumbira wahwo.

23 Mwari anonzwisisa nzira yahwo, uye iye anoziva nzvimbo yahwo.

24 Nokuti iye anotarira kumigumo yenyika, anoona pasi pematenga ose;

25 kuitira mhepo uremu, uye anoyera dzimvura nechiyero.

26 Paanenge aitira mvura chirevo, nemheni yemutinhiro nzira.

27 Panguva iyo akahwuona, ndokuhwududzira; akahwugadzirira, nekuhwunzverawo.

28 Zvino wakati kumunhu: Tarira, kutya Ishe, ihwu uchenjeri; nekubva pazvakaipa kunzwisisa.