ShonaTeam Job « 27 »

Jobho anopamhidza kuti haana mhosva, vatadzi vanorohwa havo, asi iye haarohwi nekuda kwemhosva

27Zvino Jobho wakapfuura kusimudzira dimikira rake ndokuti:

2NaMwari mupenyu, wakabvisa mutongo wangu, neWemasimbaose, wakarwadzisa mweya weupenyu wangu;

3 zvirokwazvo nguva yose mweya weupenyu wangu uchiri mandiri, nemweya weupenyu waMwari uri mumhino dzangu;

4 zvirokwazvo miromo yangu haingatauri zvakaipa, uye rurimi rwangu harwurevi unyengeri.

5 Ngazvive kure neni kuti nditi makarurama; kusvika ndapera handingabvisi uchokwadi hwangu kwandiri.

6 Ndinobatirira pakururama kwangu, uye handikuregi; moyo wangu haungatuki pamazuva angu.

7 Muvengi wangu ngaave sewakaipa, neanondimukira seasina kururama.

8 Nokuti tariro yeasingatyi Mwari chii, kana agurwa, Mwari paanovhomora mweya weupenyu wake?

9 Mwari achanzwa kuchema kwake here kana dambudziko rauya paari?

10 Achazvifadza here mune Wemasimbaose? Achadana Mwari nenguva dzose here?

11 Ndichakudzidzisai neruoko rwaMwari; zviri kune Wemasimbaose handingavanzi.

12 Tarirai imwi mose makaona; zvino sei seizvi makashaya maturo zvekushaya maturo?

13 Uyu mugove wemunhu wakaipa kuna Mwari, nenhaka yevavhundusi yavachagamuchira kuna Wemasimbaose.

14 Kana vana vake vachiwanda, ndezvemunondo; uye zvizvarwa zvake hazvingaguti chingwa.

15 Vasiiwa vake vachavigwa pakufa, nechirikadzi dzake hadzingachemi misodzi.

16 Kunyange akadurikidza sirivha seguruva, achigadzira chipfeko sevhu;

17 angagadzirira, asi wakarurama achazvifuka, uye asina mhosva achagova sirivha.

18 Anovaka imba yake sechipfukuto, uye sechirindo murindi chaanoita.

19 Anorara pasi wakafuma, asi haaunganidzwi; anozarura meso ake, asi haachipo.

20 Zvityiso zvichamubata semvura; dutu remhepo rinomuba usiku.

21 Mhepo yekumabvazuva inomutora, iye ndokuenda; inomupeperesa abve panzvimbo yake.

22 Nokuti achapotsera pamusoro pake asingaregi; achatiza zvekutiza kubva paruoko rwake.

23Vanhu vacharova maoko avo pamusoro pake, nekumuridzira nyere abve panzvimbo yake.