ShonaTeam Job « 26 »

Jobho anoti Mwari ndiye mukuru kupfuura vose

26Zvino Jobho wakapindura ndokuti:

2 Wakamubatsira sei uyo asina kugwinya, ukaponesa ruoko rwusina simba?

3 Wakapa mazano sei uyo asina kuchenjera, nekududzira zvakawanda ruzivo rwechokwadi!

4 Wakataura mashoko kuna ani? Uye mweya waani unobuda kubva kwauri?

5 Vakafa vanodedera pasi pemvura, nevagari vemairi.

6 Gehena rakashama pamberi pake, nemharadzo haina chifukidzo.

7 Anotatamura maodzanyemba pamusoro penzvimbo isina chinhu; aturike nyika pamusoro pepasina.

8 Anosungira mvura mumakore makobvu ake; asi gore haribvaruki pasi payo.

9 Anofukidza chiso chechigaro chake cheushe; achiwaridza gore pamusoro pacho.

10 Wakatara muganhu uri denderedzwa pamusoro pemvura, kusvika pakupedzisira kwechiedza nerima.

11 Mbiru dzematenga dzinodedera, uye dzinovhunduka nekutsiura kwake.

12 Anonyaradza gungwa nesimba rake, uye nenjere dzake anoparadza kuzvikudza.

13 Nemweya wake wakashongedza matenga; ruoko rwake rwakabaya nyoka inotiza.

14 Tarira, iyi mipendero yenzira dzake; uye zevezeve reshoko ratakanzwa nezvake chii! Ko mutinhiro wesimba rake ndiani angaunzwisisa?