ShonaTeam Job « 25 »

Bhiridhadhi anorumbidza ukuru hwaMwari

25Zvino Bhiridhadhi muShuhi wakapindura ndokuti:

2 Utongi nekutyisa zvinaye; achiita rugare panzvimbo dzake dzakakwirira.

3 Kune uwandu here kumauto ake? Uye ndiani kusingabudiri kwaari chiedza chake?

4 Zvino munhu angava wakarurama sei kuna Mwari? Kana wakaberekwa nemukadzi angachena sei?

5 Tarira, kusvika kumwedzi, uye haubwinyi; nenyeredzi hadzina kuchena pameso pake.

6 Zvishoma sei munhu, ari honye! Nemwanakomana wemunhu, ari gonye!