ShonaTeam Job « 24 »

Jobho anonyunyuta kuti Mwari haacherekedzi vakaipa

24Sei nguva dzisina kuvanzirwa Wemasimbaose, uye vanomuziva vasingaoni mazuva ake?

2 Vanoshandura miganhu; vanopamba mapoka emakwai vachiafudza.

3 Vanotinha mbongoro yenherera; vanotora nzombe yechirikadzi kuita chibatiso.

4 Vanotsausa vanoshaiwa kubva panzira; varombo venyika vanovanda pamwe.

5 Tarira, imbongoro dzemusango murenje, vanobudira kubasa ravo, vachitsvaka chijimbiwa nekushingaira; renje rive zvekudya zvake nezvevana.

6 Mumunda vanokohwa mashanga ake, vanofuhurudza munda wemizambiringa wewakaipa.

7 Vanorara usiku vakashama vasina zvipfeko, uye vasina chifukidzo muchando.

8 Vakanyorova nekupfunha kwemakomo, uye vanobatirira pabwe nekuda kwekushaiwa utiziro.

9 Vanobvuta nherera pazamu, nekutora chibatiso pamurombo.

10 Vanofamba vakashama vasina chipfeko, uye vane nzara vanotakura chisote.

11 Pakati pemasvingo vanosvina mafuta, vanotsika zvisviniro zvewaini, asi vane nyota.

12 Vanhu vanogomera vari muguta, uye mweya weupenyu wevakakuvadzwa unochema; asi Mwari haavaverengeri kusarurama.

13 Ndivo vari pakati pevanomukira chiedza; havazivi nzira dzake, uye havagari pamakwara ake.

14 Muurayi anomuka pamambakwedza, anouraya murombo neanoshaiwa; uye pausiku wakaita sembavha.

15 Zisowo remhombwe rinomirira rubvunzavaeni, ichiti: Hakuna ziso richandiona; ndokuisa chifukidzo pachiso.

16 Murima vanochera nemudzimba dzavanoisa mucherekedzo masikati; havazivi chiedza.

17 Nokuti pamwechete mangwanani irima rerufu kwavari; nokuti vanoziva zvityiso zvemumvuri werufu.

18 Wakareruka pachiso chemvura; mugove wavo wakatukwa panyika; haatendeuki panzira yeminda yemizambiringa.

19 Kuoma nekupisa kunopedza mvura yemagada echando, saizvozvo Sheori vakatadza.

20 Chizvaro chichamukanganwa; honye dzichatapirirwa naye; haachazorangarirwizve; neuipi huchagurwa semuti.

21 Iye unodya mhanje isingabereki; uye haaitiri chirikadzi zvakanaka.

22 Uye anokweva vane simba nesimba rake; anomuka, uye haana chokwadi neupenyu.

23 Anomupa kuchengetedzeka, paanosendama, asi meso ake ari pamusoro penzira dzavo.

24 Vanokudzwa kwechinguvana, ndokuva vasipo; vachideredzwa; vanovharirwa sevose; uye semusoro wehura yezviyo vanogurwa.

25 Zvino kana zvisina kudaro, ndiani angandiita murevi wenhema, aite nhauro yangu ishaye maturo?