ShonaTeam Job « 23 » |
Jobho anoshuva kurondedzera nyaya yake pamberi paMwari
23Zvino Jobho wakapindura ndokuti:
2 Kunyange nhasi gunun'uno yangu inorwadza; ruoko rwangu rwunorema pamusoro pekugomera kwangu.
3 Haiwa, dai ndaiziva kwandingamuwana. Ndaiuya panzvimbo yake.
4 Ndairongedza nyaya yangu pamberi pake, ndokuzadza muromo wangu nenharo.
5 Ndinoziva mashoko aanondipindura, uye ndinonzwisisa zvaachareva kwandiri.
6 Achandipikisa neukuru hwesimba here? Kwete, asi iye achaisa moyo wake kwandiri.
7 Ipapo wakarurama angapikisana naye; naizvozvo ndainunurwa rinhi narinhi pamutongi wangu.
8 Tarira, ndinoenda mberi, asi haapo; uye shure, asi handimunzwisisi.
9 Kuruboshwe pakushanda kwake, asi handimutariri; anozvivanza parudyi, uye handimuoni.
10 Asi anoziva nzira neni; ngaandiidze; ndichabuda segoridhe.
11 Rutsoka rwangu rwakabatirira paakatsika; ndakachengeta nzira yake, uye handina kutsauka.
12 Handina kubva pamurairo wemiromo yake; ndakakoshesa mashoko emuromo wake kupfuura mugove wangu.
13 Asi iye ari pane chimwe, uye ndiani anomudzosera shure? Uye anoita zvinoda mweya weupenyu wake.
14 Nokuti anopedza zvandakatemerwa; nezvizhinji zvakadai zviri kwaari.
15 Naizvozvo ndinovhunduka pamberi pake; ndinofunga, ndinomutya.
16 Nokuti Mwari anoita moyo wangu upere simba, uye Wemasimbaose wakandivhundusa.
17 Nokuti handina kugurwa pamberi perima, uye wakafukidza rima pachiso changu.